Nehemiya 4
4
Vavengi vanoedza kuvadzivisa, asi vaJudha vanotsungirira pakuvaka Jerusaremu
1Asi Sanibharati akati achinzwa kuti tovaka rusvingo, akatsamwa, akava neshungu kwazvo, akaseka vaJudha. 2Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati, “VaJudha ava vasina simba vanobateiko? Vachazvisimbisa panhare here? Vachabayira here? Vachapedza nezuva rimwe here? Vachararamisa mabwe pamaturunhuru, zvaatsva here?”
3Tobhia muAmoni akanga amire naye, akati, “Chinhu chipi nechipi chavanovaka havo, kana gava rikakwirapo, richakoromora rusvingo rwavo rwamabwe.”
4Inzwai henyu, Mwari wedu, “Nokuti tinoninipiswa; dzoserai kushora kwavo pamisoro yavo, muvarege vapambwe panyika yavatapwa.
5“Regai kufukidza zvakaipa zvavo, nezvivi zvavo ngazvirege kudzimwa pamberi penyu; nokuti vakakutsamwisai pamberi pavavaki.”
6Naizvozvo takavaka rusvingo; rusvingo rwose rukabatanidzwa kusvikira pahafu yokukwirira kwarwo; nokuti vanhu vakanga vachida kubata.
7Asi Sanibharati, naTobhia, navaArabhia, navaAmoni, navaAshidhodhi, vakati vachinzwa kuti basa rokugadzira masvingo ropfuurira mberi zvakanaka, kuti pakanga pakoromoka podzivirwa, vakatsamwa kwazvo, 8vakarangana vose kundorwa neJerusaremu, nokuvakanganisapo. 9Asi isu takanyengetera kuna Mwari wedu, tikaisa varindi kuvarindira masikati nousiku nemhaka yavo.
10Ipapo vaJudha vakati, “Simba ravatakuri vemitoro raderera, uye marara aripo mazhinji; saka hatigoni kuvaka rusvingo.”
11Vadzivisi vedu vakati, “Ngavarege kuziva kana kuona chinhu, kusvikira tava pakati pavo, tikavauraya nokumisa basa.” 12Zvino vaJudha vakanga vagere navo, vakati vachisvika kwatiri, vachibva kunzvimbo dzose, vakati kwatiri kagumi, “Munofanira kudzokera kwatiri.” 13Saka ndakaisa vamwe vanhu panzvimbo dzakaderera seri kworusvingo, panzvimbo dzakanga dzakashama, ipapo ndakaisa vanhu nedzimba dzavo, vakabata minondo yavo, namapfumo avo, nouta hwavo.
14Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuvakuru nokuvatariri nokuna vamwe vanhu, “Regai kuvatya; rangarirai Jehovha mukuru anotyisa, murwire hama dzenyu, navanakomana venyu, navakunda venyu, navakadzi venyu, nedzimba dzenyu.” 15Zvino vavengi vedu vakati vanzwa kuti zvazikanwa nesu, uye kuti Mwari akakonesa kurangana kwavo, isu tikadzokera tose kurusvingo, mumwe nomumwe kubasa rake.
16Zvino kubva panguva iyo hafu yavaranda vangu vakabata pabasa, asi hafu yavo vakabata mapfumo, nenhoo, nouta, nenguo dzamatare; uye varairi vakanga vari shure kwavose veimba yaJudha. 17Vaivaka rusvingo, navaitakura mitoro, vaitutira; mumwe nomumwe wakabata noruoko rwake rumwe pabasa, asi norumwe akanga akabata nhumbi yake yokurwa nayo; 18uye vavaki mumwe nomumwe akanga anomunondo wake akasungirwa pachiuno chake; vakavaka saizvozvo. Muridzi wehwamanda wakamira neni. 19Ndikati kuvakuru nokuvabati nokuna vamwe vanhu: “Mubato mukuru wakapararira, isu takatarangana pamusoro porusvingo, mumwe ari kure nomumwe; 20papi napapi pamunonzwa kurira kwehwamanda, uyai ikoko kwatiri; Mwari wedu achatirwira.” 21Tikabata pabasa saizvozvo; hafu yavo vaibata kubva mangwanani kusvikira nyeredzi dzichibuda.
22Nenguva iyo ndikati kuvanhu, “Mumwe nomumwe anomuranda wake ngaavate muJerusaremu, kuti vatirinde usiku, vabate masikati.” 23Naizvozvo ini kunyange hama dzangu, kana varanda vangu, kana varindi vainditevera, hakuna nomumwe wedu akabvisa nguo dzake, mumwe nomumwe wakandonwa mvura nenhumbi dzake dzokurwa nadzo.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemiya 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002