Mapisarema 101
101
Dhavhidhi anoda kufamba nenzira yakarurama nomwoyo wake wose
Pisarema raDhavhidhi.
1Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama;
Ndimi Jehovha wandichaimbira
nziyo dzokurumbidza.
2Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama;
Haiwa, muchauya kwandiri riniko?
Ndichafamba mumba mangu
nomwoyo wakarurama.
3Handingavavariri chinhu chakaipa;
Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka;
Hazvingandinamatiri.
4Mwoyo wakatsauka ngaubve kwandiri;
Handidi kuziva zvakaipa.
5Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza;
Anotarira namanyawi, nounomwoyo unozvikudza,
handingavi nehanya naye.
6Meso angu achatarira vakatendeka
panyika, kuti vagare neni;
Munhu anofamba nenzira yakarurama,
ndiye angava mushumiri wangu.
7Anonyengera haangagari mumba mangu;
Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu.
8Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika;
Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa
paguta raJehovha.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 101: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002
Mapisarema 101
101
Dhavhidhi anoda kufamba nenzira yakarurama nomwoyo wake wose
Pisarema raDhavhidhi.
1Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama;
Ndimi Jehovha wandichaimbira
nziyo dzokurumbidza.
2Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama;
Haiwa, muchauya kwandiri riniko?
Ndichafamba mumba mangu
nomwoyo wakarurama.
3Handingavavariri chinhu chakaipa;
Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka;
Hazvingandinamatiri.
4Mwoyo wakatsauka ngaubve kwandiri;
Handidi kuziva zvakaipa.
5Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza;
Anotarira namanyawi, nounomwoyo unozvikudza,
handingavi nehanya naye.
6Meso angu achatarira vakatendeka
panyika, kuti vagare neni;
Munhu anofamba nenzira yakarurama,
ndiye angava mushumiri wangu.
7Anonyengera haangagari mumba mangu;
Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu.
8Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika;
Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa
paguta raJehovha.
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fen.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002