Mapisarema 108
108
Mwari Mubatsiri wedu ngaarumbidzwe
Rwiyo, Pisarema raDhavhidhi.
1Mwoyo wangu wakasimba, Mwari;
Ndichaimba, zvirokwazvo,
ndichaimba nziyo dzokurumbidza,
nomweya wangu wose.
2Muka iwe mutengeranwa nembira;
Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
3Ndichakuvongai Jehovha,
pakati pendudzi dzavanhu;
Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza
pakati pavahedheni.
4Nokuti ngoni dzenyu ihuru
kumusoro kwokudenga-denga,
Uye zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.
5Imi mukudzwe Mwari,
kumusoro kwokudenga-denga;
Kurumbidzwa kwenyu ngakuve
kumusoro kwapasi pose.
6Kuti vadikanwi venyu varwirwe,
Tiponesei noruoko rwenyu
rworudyi, mutipindure.
7Mwari akataura pautsvene hwake,
achiti, “Ndichafara kwazvo;
Ndichaganhura Shekemu,
ndichayera mupata weSukoti.
8Gireadhi ndeyangu naManase ndeyangu;
Efuremuwo inhaviro yomusoro wangu;
Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
9Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira;
Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira
shangu yangu;
Ndichapururudza nokuda kwaFirisitia.”
10Ndianiko achandiisa muguta rakakombwa namasvingo?
Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
11Hamuna kutirasha here, Mwari?
Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
12Tibatsirei pamudzivisi wedu;
Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
13MunaMwari tichaita noumhare;
Nokuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 108: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002
Mapisarema 108
108
Mwari Mubatsiri wedu ngaarumbidzwe
Rwiyo, Pisarema raDhavhidhi.
1Mwoyo wangu wakasimba, Mwari;
Ndichaimba, zvirokwazvo,
ndichaimba nziyo dzokurumbidza,
nomweya wangu wose.
2Muka iwe mutengeranwa nembira;
Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
3Ndichakuvongai Jehovha,
pakati pendudzi dzavanhu;
Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza
pakati pavahedheni.
4Nokuti ngoni dzenyu ihuru
kumusoro kwokudenga-denga,
Uye zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.
5Imi mukudzwe Mwari,
kumusoro kwokudenga-denga;
Kurumbidzwa kwenyu ngakuve
kumusoro kwapasi pose.
6Kuti vadikanwi venyu varwirwe,
Tiponesei noruoko rwenyu
rworudyi, mutipindure.
7Mwari akataura pautsvene hwake,
achiti, “Ndichafara kwazvo;
Ndichaganhura Shekemu,
ndichayera mupata weSukoti.
8Gireadhi ndeyangu naManase ndeyangu;
Efuremuwo inhaviro yomusoro wangu;
Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
9Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira;
Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira
shangu yangu;
Ndichapururudza nokuda kwaFirisitia.”
10Ndianiko achandiisa muguta rakakombwa namasvingo?
Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
11Hamuna kutirasha here, Mwari?
Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
12Tibatsirei pamudzivisi wedu;
Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
13MunaMwari tichaita noumhare;
Nokuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi.
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002