Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 110

110
Umambo noupristi hwaMesiasi
Pisarema raDhavhidhi.
1Jehovha akati kuna She wangu,
“Gara kurudyi rwangu,
Kusvikira ndaita vavengi vako
chitsiko chetsoka dzako.”
2Jehovha achatambanudza tsvimbo
yesimba rako ribude paZioni, achiti,
“Bata ushe pakati pavavengi vako.”
3Vanhu vako vachazviisa nomwoyo wose
pazuva rauchaunganidza hondo yako,
Nenguva tsvene, pachizvaro chamangwanani,
Ndipo pane dova rohujaya hwako.
4Jehovha akapika, haangazvidembi, achiti,
“Iwe uri mupristi nokusingaperi.
Unorudzi naMerikizedheki.”
5Ishe parudyi rwako
Achaparadza madzimambo pazuva
rokutsamwa kwake.
6Iye achatonga pakati pavahedheni,
Achazadza nyika nezvitunha;
Achaparadza misoro panyika zhinji.
7Achanwa parukova panzira;
Saka achasimudza musoro wake.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 110: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda