Mapisarema 3
3
Mwari ndiye murwiri panjodzi
Pisarema raDhavhidhi panguva yokutiza kwake Abhusaromu mwanakomana wake.
1Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vawanda sei!
Vazhinji vanondimukira.
2Vazhinji variko vanoti kumweya wangu,
“Haano ruponeso kuna Mwari.”
3Asi imi Jehovha muri nhoo yangu kumativi ose;
Kudzo yangu, nomusimudzi womusoro wangu,
4Ndinodana kuna Jehovha nezwi rangu,
Iye anondipindura ari pagomo rake dzvene.
5Ndakavata pasi ndikabatwa nehope;
Ndikamuka; nokuti Jehovha anonditsigira.
6Handingatyi zviuru zvamazana zvavanhu,
Vakandikomberedza kuzorwa neni.
7Simukai, Jehovha; ndirwirei, Mwari wangu;
Nokuti makarova vavengi vangu
vose pashaya dzavo;
Makavhuna meno avakaipa.
8Ruponeso runobva kuna Jehovha;
Kukomborera kwenyu ngakuve pamusoro pavanhu venyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002