Mapisarema 48
48
Zioni guta raMambo Mukuru
Rwiyo; Pisarema ravanakomana vaKora.
1Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo,
Muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.
2Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wapasi pose,
Ndizvo zvakaita gomo reZioni, pamativi okumusoro,
Ndizvo zvakaita guta raMambo mukuru.
3Padzimba dzaro dzamambo Mwari
wakazviratidza kuti ndiye nhare.
4Nokuti tarirai, madzimambo akaungana,
Akapfuura pamwechete.
5Vakariona, vakashamiswa;
Vakavhunduka, vakakurumidza kutiza.
6Vakabatwapo nokudedera;
Nokurwadziwa, somukadzi anopona.
7Munoputsa zvikepe zveTarishishi,
Nemhepo, inobva mabvazuva.
8Sezvatakanzwa, ndizvo zvatakaona
Paguta raJehovha wehondo, iro guta raMwari wedu;
Mwari acharisimbisa nokusingaperi.
9Takafunga unyoro hwenyu, Mwari,
Mukati metemberi yenyu.
10Sezvakaita zita renyu, Mwari,
Ndizvo zvakaitawo kurumbidzwa
kwenyu kusvikira kumigumo yapasi pose;
Ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.
11Gomo reZioni ngarifare,
Vakunda vaJudha ngavafare kwazvo,
Nokuda kwezvamakatonga.
12Poteredzai Zioni, mupote naro,
Muverenge shongwe dzaro.
13Cherekedzai zvakanaka nhare dzaro,
Fambai pakati pedzimba dzaro dzamambo;
Kuti muzoudza vazukuru venyu vanotevera.
14Nokuti Mwari ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri;
Iye achava muperekedzi wedu kusvikira pakufa.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 48: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002