Mapisarema 62
62
Kunyarara kwomweya womunhu anovimba naMwari
Kumutungamiriri wokuimba; nomutoo waJedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.
1Zvirokwazvo, mweya wangu unongorindira Mwari;
Kwaari ndiko kunobva kuponeswa kwangu.
2Ndiye oga dombo rangu nomuponesi wangu;
Ndiye shongwe yangu yakakwirira;
handingazununguswi zvikuru.
3Muchavavarira munhu kusvikira riniko,
Kuti mumuuraye imi mose,
Sorusvingo runoda kuwa, noruzhowa runotseyama?
4Vanongorangana kuti vamusundire
pasi abve paukuru hwake;
Vanofarira nhema;
Vanoropafadza nomuromo wavo,
asi vanotuka mumwoyo mavo.
5Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo;
Nokuti ndinomutarira iye.
6Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu;
Ndiye shongwe yangu yakakwirira;
handingazununguswi.
7Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa
kwangu nokukudzwa kwangu;
Dombo resimba rangu noutiziro
hwangu zviri kuna Mwari.
8Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;
Dururai mwoyo yenyu pamberi pake;
Mwari ndiye utiziro hwedu.
9Zvirokwazvo vanhu vasingakudzwi
mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema;
Pakuyerwa havaremi;
Vose pamwechete vakareruka kupfuura mweya.
10Regai kuvimba nokumanikidza,
Regai kuzvikudza pamusoro pokupambara;
Kana pfuma ichiwanda, regai kuinamatira nomwoyo.
11Mwari akataura kamwechete,
Ndakazvinzwa kaviri;
Kuti simba nderaMwari;
12Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe;
Nokuti munoitira munhu mumwe
nomumwe sezvaakabata.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 62: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002