Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 64

64
Munyengetero waDhavhidhi kuti arwirwe pavavengi vake
Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
1Inzwai izwi rangu, Mwari,
pakuchema kwangu;
Chengetai upenyu hwangu
ndirege kutyiswa nomuvengi.
2Ndivanzei pakurangana kwakavanda
kwavanoita zvakaipa;
Pabope ravanobata zvakaipa;
3Ivo vakarodza rurimi rwavo somunondo,
Vakashumba miseve yavo, iwo mashoko anovava;
4Kuti vafure akarurama, vakavanda ivo;
Kamwe-kamwe vanomufura, vasingatyi.
5Vanotsungirira pazano rakaipa;
Vanorangana kuteya misungo pakavanda;
Vanoti, “Ndianiko angazviona?”
6Vanofungisa zvakaipa;
Vanoti, “Tapedza kufungisa zano guru;”
Kufunga kwomukati kwomumwe
nomumwe, nomwoyo, zvakadzika.
7Asi Mwari achavapfura,
Vachakuvadzwa kamwe-kamwe nomuseve.
8Naizvozvo vachagumbuswa, ndimi
dzavo dzichivapupurira zvakaipa;
Vose vanovaona vachadzungudza musoro.
9Vanhu vose vachatya;
Vachaparidza basa raMwari,
Vachicherekedza zvakanaka zvaanoita.
10Vakarurama vachafara muna Jehovha,
vachavimba naye;
Vose vane mwoyo yakarurama vachafara kwazvo.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 64: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda