Mapisarema 68
68
Rwiyo rwokurumbidza Mwari
Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi, norwiyo.
1Mwari ngaasimuke, vavengi vake
ngavaparadzirwe;
Vanomuvenga ngavatize pamberi pake.
2Muvadzinge, sokudzingwa kwoutsi;
Sokunyauka kwenamo pamoto,
Saizvozvo vakaipa ngavapere pamberi paMwari.
3Asi vakarurama ngavafare;
ngavafare kwazvo pamberi paMwari;
Ngavafare nokufara kukuru.
4Imbirai Mwari, imbirai zita rake
nziyo dzokurumbidza;
Mumugadzirire mugwagwa wakanaka,
iye anofamba nengoro napamarenje;
Zita rake ndiJehovha;
farai kwazvo pamberi pake.
5Baba venherera, nomutongi wemhosva dzechirikadzi,
Ndiye Mwari paugaro hwake hutsvene.
6Vakanga vari voga, Mwari
anovagarisa pamhuri;
Anobudisira vasungwa kumufaro;
Asi vanomumukira vanogara panyika yakaoma.
7Mwari, panguva yamakatungamirira vanhu venyu,
Panguva yokufamba kwenyu murenje;
8Pasi pakabvunda,
Kudenga-denga kwakadonha pamberi paMwari;
Nairo Sinai rakabvunda pamberi
paMwari, iye Mwari waIsiraeri.
9Imi Mwari makanisa mvura zhinji,
Makasimbisa nhaka yenyu panguva yokuneta kwayo.
10Ungano yenyu yakagaramo;
Imi Mwari makagadzirira varombo zvakanaka zvenyu.
11Ishe akataura shoko,
Vakadzi vakaparidza shoko vaiva vazhinji-zhinji.
12Madzimambo ehondo anotiza,
Mukadzi akasara kumusha ndiye
anogovera zvakapambwa.
13Kana imi movata pasi pakati pamatanga amakwai,
Zvakafanana namapapiro enjiva akafukidzwa nesirivha,
Neminhenga yakafukidzwa nendarama tsvuku.
14Panguva iyo waMasimbaose
yaakaparadza madzimambomo,
Zvakafanana nokuwa kwechando paZarimoni.
15Gomo reBhashani igomo raMwari;
Gomo reBhashani igomo refu-refu.
16Imi makomo marefu, munogodorerei
Iro gomo rakadikanwa naMwari kuti agare mariri?
Jehovha achagara mariri nokusingaperi.
17Ngoro dzaMwari dzinosvika zviuru
zvina makumi maviri, zviuru zvezviuru zvamazana;
Ishe ari pakati padzo, sezvaakaita
paSinai, panzvimbo tsvene.
18Makakwira kumusoro, mukatapa vatapwa venyu;
Makagamuchira zvipo pakati pavanhu
Zvirokwazvo pakati pavakakumukiraiwo,
kuti Jehovha Mwari agare navo.
19Ishe ngaavongwe, iye anotakura
mitoro yedu zuva rimwe nerimwe,
Iye Mwari muponesi wedu.
20Mwari ndiye Mwari anotirwira;
Jehovha Ishe ndiye ane nzira dzokubuda murufu.
21Asi Mwari achatema misoro yavavengi vake,
Paganda romusoro rine vhudzi romunhu anorambira
pakutadza kwake.
22Ishe akati, “Ndichavadzosa paBhashani,
Ndichavadzosazve pagungwa rakadzika;
23Kuti unyike rutsoka rwako muropa,
Kuti ndimi dzembwa dzako dzive
nomugove wadzo pavavengi vako.”
24Vakaona mafambiro enyu, Mwari,
Mafambiro aMwari wangu, Mambo wangu,
achipinda panzvimbo tsvene.
25Vaimbi vakatungamira, varidzi
vemitengeranwa vakatevera,
Pakati pavasikana vakanga vachiridza makandira.
26Rumbidzai Mwari paungano,
Iye Ishe, iyemi vetsime raIsiraeri.
27Bhenjamini muduku, mubati wavo, aripo,
Namachinda aJudha navazhinji vavo,
Namachinda aZebhuruni, namachinda aNafutari.
28Mwari wako akaraira simba rake;
Simbisai, Mwari, izvo zvamakatiitira.
29Nokuda kwetemberi yenyu paJerusaremu
Madzimambo achakuvigirai zvipo.
30Tukai chikara chetsanga,
Hando zhinji, nemhuru dzendudzi dzavanhu,
Vazviwisire pasi petsoka nemari yesirivha;
Muparadzire vanhu vanofarira kurwa.
31Machinda achabuda Ijipiti;
Itiopia ichakurumidza kutambanudza
maoko ayo kuna Mwari.
32Imbirai Mwari, imi ushe hwapasi;
Imbirai Ishe nziyo dzokurumbidza.
33Iye anotasva padenga rokudenga-denga,
iro rakare nakare;
Inzwai, anobudisa izwi rake, izwi rine simba.
34Ipai Mwari simba;
Ukuru hwake huri pamusoro paIsiraeri,
Simba rake riri mumakore.
35Imi Mwari munotyisa panzvimbo dzenyu tsvene;
Mwari waIsiraeri ndiye anopa vanhu
vake simba noushe.
Mwari ngaavongwe.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 68: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002