Mapisarema 90
90
Bhuku 4
(Mapisarema 90—106)
Kupfupika kwoupenyu hwomunhu
Munyengetero waMosesi, munhu waMwari.
1Ishe, makanga muri ugaro hwedu
Pamarudzi namarudzi.
2Makomo asati azvarwa,
Musati matongosika nyika nevhu,
Kubva pakusingaperi kusvikira
pakusingaperi imi muri Mwari.
3Munodzosera munhu kuguruva;
Muchiti, “Dzokai vana vavanhu.”
4Nokuti kwamuri makore ane chiuru
Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura,
Senguva yokurinda yousiku.
5Munovakukura semvura zhinji; vava sehope;
Mangwanani vakaita souswa hunomera.
6Mangwanani hunotumbuka, hunomera;
Madekwana hunodzurwa, ndokusvava.
7Nokuti tinopedzwa nokutsamwa kwenyu,
Tinotambudzika nehasha dzenyu.
8Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu,
Zvivi zvedu zvakavanzika pachiedza chechiso chenyu.
9Nokuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa;
Makore edu anopera sorungano.
10Mazuva amakore edu anosvika
makore makumi manomwe,
Kana tine simba makore makumi masere;
Asi kunyange achikudzwa ndiko
kutambudzika nenhamo bedzi.
Nokuti gare-gare aenda, nesu tabhururuka taenda.
11Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu,
Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe zvakafanira here?
12Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu,
Kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.
13Dzokai Jehovha; kusvikira riniko?
Muzvidembe pamusoro pavaranda venyu.
14Tigutsei mangwanani nengoni dzenyu;
Kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose:
15Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza,
Namakore atakaona zvakaipa.
16Zvamakaita ngazvionekwe navaranda venyu,
Nokubwinya kwenyu pamusoro pavana vavo.
17Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu;
Mutisimbisire basa ramaoko edu;
Zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 90: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002