Mapisarema 97
97
Ukuru hwaJehovha Mambo
1Jehovha anobata ushe;
nyika ngaifare kwazvo;
Zvivi zvizhinji ngazvifare.
2Makore nerima zvinomukomberedza;
Kururama nokururamisa ndidzo
nheyo dzechigaro chake choushe.
3Moto unotungamira pamberi pake,
Uchipisa vadzivisi vake pamativi ose.
4Mheni dzake dzakavheneka nyika yose;
Pasi pakaona, ndokubvunda.
5Makomo akanyauka senamo pamberi paJehovha,
Pamberi paShe wapasi pose.
6Kudenga-denga kunoparidza kururama kwake,
Ndudzi dzose dzakaona kubwinya kwake.
7Vose, vanoshumira mifananidzo
yakaveziwa, vanonyadziswa,
Ivo vanozvirumbidza pamusoro pezvifananidzo;
Namatai kwaari, imi vamwari vose.
8Zioni rakanzwa ndokufara,
Navakunda vaJudha vakafara kwazvo;
Nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.
9Nokuti imi Jehovha, muri
kumusoro-soro kwapasi pose;
Makakwirira kupfuura vamwari vose.
10Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha;
Iye anochengeta mweya yavatsvene vake;
Unovarwira paruoko rwawakaipa.
11Chiedza chinodyarirwa wakarurama,
Nomufaro vane mwoyo yakarurama.
12Farai munaJehovha, imi vakarurama;
Vongai pakurangarira utsvene hwake.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 97: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002
Mapisarema 97
97
Ukuru hwaJehovha Mambo
1Jehovha anobata ushe;
nyika ngaifare kwazvo;
Zvivi zvizhinji ngazvifare.
2Makore nerima zvinomukomberedza;
Kururama nokururamisa ndidzo
nheyo dzechigaro chake choushe.
3Moto unotungamira pamberi pake,
Uchipisa vadzivisi vake pamativi ose.
4Mheni dzake dzakavheneka nyika yose;
Pasi pakaona, ndokubvunda.
5Makomo akanyauka senamo pamberi paJehovha,
Pamberi paShe wapasi pose.
6Kudenga-denga kunoparidza kururama kwake,
Ndudzi dzose dzakaona kubwinya kwake.
7Vose, vanoshumira mifananidzo
yakaveziwa, vanonyadziswa,
Ivo vanozvirumbidza pamusoro pezvifananidzo;
Namatai kwaari, imi vamwari vose.
8Zioni rakanzwa ndokufara,
Navakunda vaJudha vakafara kwazvo;
Nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.
9Nokuti imi Jehovha, muri
kumusoro-soro kwapasi pose;
Makakwirira kupfuura vamwari vose.
10Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha;
Iye anochengeta mweya yavatsvene vake;
Unovarwira paruoko rwawakaipa.
11Chiedza chinodyarirwa wakarurama,
Nomufaro vane mwoyo yakarurama.
12Farai munaJehovha, imi vakarurama;
Vongai pakurangarira utsvene hwake.
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002