Zvakazarurwa 11
11
Zvapupu zviviri
1Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo; zvikanzi, “Simuka, uere temberi yaMwari, nearitari, navanonamata mairi. 2Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetemberi, usaruera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri. 3Ndicharaira zvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva ane chiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.”
4Ava ndiyo miorivhi miviri nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paIshe wenyika. 5Kana kunomunhu anoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kuno munhu anoda kuvakuvadza, anofanira kuurawa saizvozvo. 6Vane simba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.
7Kana vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika-dzika chicharwa navo, chichivakunda nokuvauraya. 8Mitumbi yavo icharaswa panzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodhoma neIjipiti, pakaroverwawo Ishe wavo pamuchinjikwa. 9Vanobva kuvanhu, namarudzi, nendimi, nendudzi, vachaona mitumbi yavo mazuva matatu nehafu, vasingatenderi kuti ivigwe mubwiro. 10Navanogara panyika vachafara nokupembera pamusoro pavo, vachitumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza avo vanogara panyika. 11Zvino mazuva matatu nehafu akati apfuura, mweya woupenyu, wakabva kuna Mwari, ukapinda mukati mavo, vakamira netsoka dzavo, kutya kukuru kukawira vose vakavaona. 12Ipapo vakanzwa izwi guru, rinobva kudenga, richiti kwavari, “Kwirai pano.” Vakakwira kudenga negore, vavengi vavo vakavaona.
13Zvino nenguva iyo kudengenyeka kwenyika kwakavapo, chegumi cheguta chikaputsikira pasi, navanhu vane zviuru zvinomwe vakaurawa nokudengenyeka; vakasara vakatya, vakarumbidza Mwari wokudenga.
14Nhamo yechipiri yapfuura; tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kusvika.
Hwamanda yechinomwe
15Zvino mutumwa wechinomwe akaridza; mazwi makuru akavapo kudenga, achiti, “Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, naKristu wake; uchahubata nokusingaperi-peri.” 16Ipapo Vakuru vana makumi maviri navana vanogara pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo, vakanamata Mwari, 17vachiti, “Tinokuvongai imi, Ishe Mwari waMasimbaose, muripo, makanga muripo; nokuti makatora simba renyu guru, makabata ushe. 18Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, uye kuti mupe varanda venyu mubayiro, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; uye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.”
19Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa; areka yesungano ikaonekwa mutemberi yake; ipapo kwakavapo mheni, namazwi, nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.
Zvasarudzwa nguva ino
Zvakazarurwa 11: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: