Zvakazarurwa 4
4
Anoratidzwa Mwari ari pachigaro choushe kudenga
1Shure kwaizvozvi, ndakatarira ndikaona musuo wakazaruka kudenga; nezwi rokutanga randakanzwa rakaita sehwamanda richitaura neni, richiti, “Kwira pano, ndigokuratidza zvinofanira kuitwa shure kwaizvozvi.”
2Pakarepo ndakava muMweya; tarira chigaro choushe chakagadzwa kudenga, nomumwe agere pachigaro. 3Iye akanga agerepo akanga akafanana nebwe rejasipisi neresaridhio; kwakanga kuno muraraungu wakakomberedza chigaro choushe, wakafanana nebwe resimaragidhino. 4Kwakanga kune zvigaro zvoushe zvina makumi maviri namana zvakanga zvakakomberedza chigaro choushe; napazvigaro pakanga pagere vakuru vana makumi maviri navana, vakapfeka nguo chena; vakanga vane korona dzendarama pamisoro yavo.
5Napachigaro choushe pakanga pachibuda mheni, namazwi, nokutinhira; nemwenje minomwe yakanga ichipfuta pamberi pechigaro choushe, iri Mweya minomwe yaMwari. 6Pamberi pechigaro choushe pakanga pane gungwa rakaonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro choushe, napamativi ose echigaro choushe, pakanga pane zvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo. 7Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chine chiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobhururuka. 8Nezvisikwa zvipenyu izvi zvina zvakanga zvina mapapiro matanhatu, chimwe nechimwe; zvakanga zvizere nameso kunhivi dzose nomukati; hazvizorori masikati nousiku, zvichiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Ishe Mwari, waMasimbaose, iye akanga aripo, aripo, noachazouya.” 9Zvino kana zvisikwa zvipenyu izvi zvovigira iye anogara pachigaro choushe, iye ari mupenyu nokusingaperi-peri, kubwinya, nokukudzwa, nokuvonga. 10Vakuru vana makumi maviri navana vowira pasi pamberi paiye agere pachigaro choushe, vachinamata iye, ari mupenyu nokusingaperi-peri, vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro choushe, vachiti, 11“Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.”
Zvasarudzwa nguva ino
Zvakazarurwa 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: