Zvakazarurwa 6
6
Zvisimbiso zvitanhatu zvokutanga zvinozarurwa
1Zvino ndakaona Gwayana richizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe, ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nezwi romutinhiro, “Uya!” 2Ndikatarira, ndikaona bhiza jena, naiye akanga akaritasva, akanga anohuta; akapiwa korona, akabuda achikunda, uye kuti akunde.
3Akati azarura chisimbiso chechipiri, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti, “Uya!” 4Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; akanga akaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vaurayane; akapiwa munondo mukuru.
5Akati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndikatarira, ndikaona bhiza dema; akanga akaritasva akanga ane chiyereso muruoko rwake. 6Ndikanzwa izwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti, “Chiyero chezviyo chichatengwa nedhenari, nezviyero zvitatu zvebhari nedhenari; usatadzira mafuta newaini.”
7Akati azarura chisimbiso chechina, ndikanzwa izwi rechisikwa chipenyu chechina richiti, “Uya!” 8Ndikatarira, ndikaona bhiza rakachenuruka; akanga akaritasva, zita rake Rufu; uye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vauraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
9Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndikaona panyasi pearitari mweya yavanhu vakanga vaurawa nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura; 10vakadana nezwi guru vachiti, “Tenzi mutsvene wechokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?”
11Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena; vakaudzwa kuti vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwechete navo nehama dzavo, dzaifanira kuurawa saivo, varinganiswa vose.
12Zvino ndakaona pakazarura kwake chisimbiso chechitanhatu, kwakanga kunokudengenyika kwenyika kukuru, zuva rakasviba segudza remvere, mwedzi wose ukaita seropa; 13nenyeredzi dzedenga dzikawira pasi, somuonde unozuza maganga awo, kana uchizununguswa nomututu mukuru. 14Denga rikabva sebhuku, kana richipetwa; namakomo ose nezviwi zvose zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
15Namadzimambo enyika, navakuru, navatungamiriri vehondo, navapfumi, navane simba, navaranda vose, navakasununguka vose, vakandovanda mumapako nomumabwe amakomo; 16vakati kumakomo nokumabwe, “Tiwirei, mutivige pameso aiye anogara pachigaro choushe, napakutsamwa kweGwayana; 17nokuti zuva guru rokutsamwa kwavo rakasvika; ndianiko anogona kumira?”
Zvasarudzwa nguva ino
Zvakazarurwa 6: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: