Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 13

13
Mutendi naVabati venyika
1Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswapo naMwari. 2Saka anoramba simba, anodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva. 3Nokuti vabati havatyisi anobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa naro; 4nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunoanoita zvakaipa. 5Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehanawo. 6Nokuti nemhaka iyo munoripawo mutero; nokuti ndiwo varanda vaMwari, vanoramba vachingobatira chinhu icho. 7Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa, Mutero kuna vanofanira kutererwa; kutya kuna vanofanira kutyiwa; kukudza kuna vanofanira kukudzwa.
Rudo runozadzisa murayiro
8Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana; nokuti anoda mumwe, azadzisa murayiro. 9Nokuti izvo zvokuti, “Usaita upombwe, usauraya, usaba, usachiva; kana murayiro upi noupi,” zvakaunganidzwa pashoko rokuti, “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.” 10Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.
Tinofanira kurinda
11Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedyo kupfuura zuva ratakatanga kutenda naro. 12Usiku hwapfuura, kwoedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza. 13Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana noupombwe, noutere, kana negakava, negodo.
14Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.

Zvasarudzwa nguva ino

Varoma 13: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda