Varoma 14
14
Mwoyo murefu kuna vasina simba pakutenda
1Zvino gamuchirai asina simba pakutenda kwake musingaiti gakava naye pamusoro pokufunga kwake. 2Mumwe munhu anokutenda kuti angadya zvose; asi asina simba anodya miriwo. 3Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi; asingadyi ngaarege kupa mhosva anodya; nokuti Mwari akamugamuchira. 4Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva? Iye anomira kana anowa pamberi paIshe wake. Achamiswa hake, nokuti Ishe ane simba rokumumisa.
5Mumwe munhu anoti zuva rimwe rinopfuura rimwe; mumwe anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazive kwazvo mumwoyo make. 6Uyo anochengeta zuva, anorichengeta nokuda kwaIshe; uyo anodya, anodya nokuda kwaIshe, nokuti anovonga Mwari; uyo asingadyi, haadyi nokuda kwaIshe, naiye anovonga Mwari.
7Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira iye oga, hakuna anozvifira iye oga. 8Nokuti kana tichirarama tinoraramira Ishe; kana tichifa, kana tichifa tinofira Ishe; zvino kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe. 9Nokuti Kristu akafira izvozvi, akararamazve kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu. 10Zvino iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo, unozvidzireiko hama yako? Nokuti isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaMwari. 11Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi,
“Noupenyu hwangu ndizvo zvinoreva Ishe
ibvi rimwe nerimwe richandipfugamira,
Rurimi rumwe norumwe ruchakudza Mwari.”
12Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.
13Naizvozvo ngatirege kuramba tichitongana; asi zviri nani kuti mutonge, kuti munhu arege kuisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama yake. 14Ndinoziva, nokuzivisisa kwazvo muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chine tsvina. 15Nokuti kana hama yako ichisvibiswa mwoyo nokuda kwezvokudya, iwe hauchafambi norudo. Usaparadza nezvokudya zvako uyo akafirwa naKristu. 16Naizvozvo kunaka kwenyu ngakurege kuzvidzwa.
17Nokuti ushe hwaMwari hazvizi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMweya Mutsvene. 18Nokuti unobatira Kristu pazvinhu izvi, anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu.
19Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinouyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo. 20Regai kuparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvinhu zvose zvakanaka hazvo, asi zvakaipira munhu anodya achigumbusa vamwe. 21Zvakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako. 22Kana uri iwe, kutenda kwaunako uve nako umene pamberi paMwari. Akaropafadzwa munhu uyo asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanozvitendera. 23Asi uyo anonyunyuta ava nemhosva kana achidya, nokuti haadyi nokutenda; zvose zvisingabvi pakutenda, zvivi.
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 14: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: