Varoma 3
3
Kukomborerwa kwavaJudha
1Ko muJudha anopfuura vamwe neiko? Kana kudzingiswa kunobatsireiko? 2Zvizhinji, nemitowo yose, Pakutanga, kuti ndivo vakapiwa mashoko aMwari. 3Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasina kutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here? 4Haisva! Mwari ngaave wachokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
“Kuti mururamiswe pamashoko enyu,
Mukunde pakutonga kwenyu.”
5Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanoita nehasha? (Ndinotaura nokutaura kwomunhu.) 6Haisva! Mwari angagozotonga nyika seiko?
7Zvino kana chokwadi chaMwari chawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo, ko neniwo ndichatongerwei somutadzi?
8Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti, “Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo?” Kutongwa kwavo kwakarurama.
Vanhu vose vane zvivi, asi vanoruramiswa muna Jesu Kristu
9Zvino todiniko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi; 10sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
“Hakuna akarurama, kunyange nomumwe;
11Hakuna anonzwisisa,
Hakuna anotsvaka Mwari;
12Vakatsauka vose, vakava vanhu vasina maturo,
Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwechete;
13Huro dzavo bwiro hwakashama;
Vakanyengera nendimi dzavo;
Uturu hwenyoka huri mumiromo yavo;
14Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava;
15Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
16Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo;
17Nenzira yorugare havana kuiziva
18Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.”
19Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, anozvitaura kuna vose vari pasi pomurayiro; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. 20Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurayiro; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurayiro.
21Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaporofita; 22ndiko kururama kwaMwari kunouya nokutenda kuna Jesu Kristu kuna vose vanotenda; nokuti havasiyani, 23nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.
24Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu; 25iye akagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira mwoyo murefu; 26kuti kururama kwake kuratidzwe nenguva ino, kuti arurama iye amene, uye aruramise uyo unotenda kuna Jesu.
27Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda. 28Naizvozvo tinoti, munhu anoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurayiro. 29Ko Mwari ndiye wavaJudha voga here? Haazi wavahedheniwo here? Hongu, wavahedheniwo;
30Mwari zvaari mumwechete, acharuramisa vakadzingiswa pamusoro pokutenda, navasina kudzingiswa nokutenda.
31Zvino tinokonesa murayiro nokutenda here? Haisva! Asi tinosimbisa murayiro.
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: