Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 7
7
1Tsoka dzako dzakanaka seiko
mushangu, iwe mukunda womuchinda!
Hudyu dzako, dzakatendereka, dzakaita sezvishongo,
Basa ramaoko emhizha.
2Guvhu rako rakaita somukombe wakatendereka,
Musingashaikwi waini yakavhenganiswa;
Chiuno chako chaita sedutu rezviyo
Rakakomberedzwa namaruva.
3Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara,
Vana vakaberekwa vari vaviri.
4Mutsipa wako wakaita seshongwe
yorunyanga rwenzou;
Meso ako samakuvi paHeshibhoni,
Pasuo reBhatirabhimi;
Mhindo dzako dzakafanana neshongwe yeRebhanoni
Yakatarisana neDhamasiko.
5Musoro wako pamusoro pako wakafanana neKarimeri;
Nevhudzi romusoro wako nomucheka mutsvuku;
Mambo akasungwa nevhudzi rakapetana.
6Wakanaka sei, unogadza sei,
Mudiwa, pakati pezvinofadza.
7Umiro hwako hwakafanana nomuchindwe,
Namazamu ako namasumbu ezvibereko zvawo.
8Ndakati, ndichakwira mumuchindwe,
Ndibate matavi awo;
Mazamu ako ngaave samasumbu emidzambiringa,
Nokunhuwira kwemhino dzako
sokunhuwira kwamaapuri,
9Nomuromo wako sewaini yakaisvonaka,
Inotapira mudikanwa wangu pakunwiwa kwayo,
Inoyerera pamiromo yavavete.
10Ndini womudiwa wangu;
Kuda kwake kunondivinga.
11Uya mudiwa wangu, ngatibudire kusango,
Ngatigare mumisha.
12Ngatifumire kuminda yemidzambiringa;
Tindoona kana mudzambiringa watunga;
Kana maruva akura,
Kana matamba atunga maruva;
Ndipapo pandichakupa rudo rwangu.
13Mudiwadiwa anobudisa kunhuwira.
Pamikova yedu panezvinonaka
zvamarudzi ose, zvitsva nezvisharu,
Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu.
Zvasarudzwa nguva ino
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 7: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002