Tito 1
1
Kwaziso
1Pauro, muranda waMwari, nomupostori waJesu Kristu, nokuda kwokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokwokuzivisa chokwadi chiri pakunamata Mwari, 2patariro youpenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, asingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo, 3asi panguva dzazvo akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurayiro waMwari, Muponesi wedu; 4kuna Tito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Muponesi wedu, ngazvive newe.
Basa raTito paKiriti
5Ndakakusiya paKiriti nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira;
6kana kuno munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwechete, ana vana vanotenda, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havateereri.
7Nokuti mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, somuchengeti wemhuri yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri pfuma yakaipa; 8asi anoitira vaeni rudo, anoda zvakanaka, akachenjera, akarurama, mutsvene, anozvidzora; 9anobatisisa shoko rechokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kurayira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.
Vadzidzisi venhema
10Nokuti vazhinji varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo, vanonyengera, zvikuru avo vokudzingiswa, 11vanofanira kudzivirirwa miromo yavo; vanoparadza mhuri kwazvo, zvavanodzidzisa zvisakafanira nokuda kwepfuma yakaipa.
12Mumwe wavo, muporofita wokwavo, akati, “VaKiriti vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vanousimbe.”
13Kupupura uku ndokwechokwadi. Nemhaka iyi uvarange zvikuru, kuti varurame pakutenda, 14varege kuteerera ngano dzavaJudha, nemirayiro yavanhu vanofuratira chokwadi. 15Kuna vakachena zvose zvakachena; asi kuna vakasvibiswa, vasingatendi, hakuna chinhu chakachena asi kufunga kwavo nehana yavo zvakasvibiswa. 16Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingateereri, vasakafanira pamabasa ose akanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
Tito 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: