Mavambo 25
25
Zvimwe zvizvarwa zvaAbhurahamu
(1 Nhor 1:32–33)
1Abhurahamu akaroorazve mumwe mukadzi ainzi Ketura. 2Ketura akamuberekera Zimurani naJokishani naMedhani, naMidhiani naIshabhagi naShua. 3Jokishani akabereka Shebha naDhedhani. Zvizvarwa zvokwaDhedhani ndivo vaAshurimu navaRetushimu navaReumimu. 4Vanakomana vaMidhiani vaiva vanaEfa naEferi naHanoki naAbhidha naEridha. Ava vose vaiva vana vaKetura.
5Abhurahamu akapa Isaki zvose zvaakanga anazvo. 6Asi iye achiri mupenyu akapa zvipo vamwe vanakomana vake vaakabereka navamwe vakadzi, akavati vabve pana Isaki mwanakomana wake, vaende kunyika dziri kumabvazuva.
Rufu rwaAbhurahamu nokuvigwa kwake
7Iri ndiro zera rakasvitswa naAbhurahamu, akagara panyika zana namakumi manomwe amakore ana makore mashanu. 8Abhurahamu akanyatsochembera zvake zvokugutsikanawo ndokubva azoenda zvake kwakaenda vamwe vokwake. 9Isaki naIshimaeri vanakomana vake vakamuviga mubako reMakipera panzvimbo yaiva yaEfuroni mwanakomana waZohari, muHiti nechokumabvazuva kweMamure. 10Ndiyo nzvimbo yakatengwa naAbhurahamu kuna Efuroni muHiti. Abhurahamu nomudzimai wake Sara ndipo pavakavigwa ipapo. 11Mushure mokufa kwaAbhurahamu, Mwari wakakomborera Isaki mwanakomana wake. Isaki akambogara pedyo neBheerirahairoi.
12Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaIshimaeri mwanakomana waAbhurahamu naHagari muIjipiti uya aiva muranda waSara. 13Haanoi mazita avanakomana vavaIshimaeri sokutevedzana kwavo: kwaiti dangwe ravo Nebhayoti tevere Kedhari naAdhibhieri naMibhusamu, 14kwouya Mishima naDhuma naMasa, 15kwoti Hadhadhi naTema naJeturi, kwozoti Nafishi naKedhima. 16Ivava ndivo vanakomana vaIshimaeri uyewo iwaya ndiwo mazita ematunhu avo nemisha yavo, vari vakuru vakuru gumi navaviri namamiriro akaita madzinza avo. 17Makore oupenyu hwaIshimaeri ndeaya, akagara zana namakumi matatu amakore ana makore manomwe zvoupenyu zvakazomuperera akafa ndokuzoenda zvake kwakaenda vamwe vokwake. 18Vezvizvarwa zvokwaIshimaeri vaigara munyika inobvira paHavhira ichindosvika kuShuru pakatarisana neIjipiti takananga kuAsiria. Asi vaigara kure nehama dzavo vasingawirirane nehama dzavo.
III: NHOORONDO YAISAKI NAJAKOBHO
Kuberekwa kwaEsau naJakobho
19Heinoi nhoroondo yemhuri yaIsaki mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaki. 20Isaki akanga ava namakore makumi mana panguva yaakaroora Ribheka mwanasikana waBhetueri worudzi rwavaAramu wokuPadhaniaramu,#25:20 Padhaniaramu: Ndiyo Mesopotamia. hanzvadzi yaRabhani muAramu.
21Isaki akanamata kuna Tenzi achikumbirira mudzimai wake Ribheka nokuti akanga asina mbereko. Tenzi akanzwa chichemo chake, ndokubva mudzimai wake Ribheka ava napamuviri. 22Zvino vana vaikikiridzana munhumbu make, ndokubva ati, “Kana zvichidai zvichandisvitsa kupiko?” Saka akaenda kundonzwa kuna Tenzi. 23Tenzi akamuti,
“Munhumbu mako mune ndudzi mbiri dzavanhu.
Uchasununguka ndudzi dzavanhu mbiri
dzichagara dzakamukirana.
Rumwe rwacho ruchange rune simba kupfuura rumwe.
Mukoma achashandira munun'una.”
24Kuzoti nguva yokusununguka kwake yasvika akapona vana vaviri, mapatya. 25Wokutanga akabuda akatsvukuruka, muviri wake wose wakati mvere tsvete, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Esau. 26Ndokuzobudawo munun'una wake akabata chitsitsinho chaEsau, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Jakobho.#25:26 Jakobho: Zvinoreva kuti nyakuita udyire. Isaki akanga ava namakore makumi matanhatu paakabereka vana ivava.
Esau anotengesa udangwe hwake.
27Vakomana ava vakakura, Esau akava hombarume yokuvhima, munhu wokugara musango; Jakobho ari munhu akanyarara aida zvake zvokugara pamba. 28Isaki aida Esau nokuti aimuvhimira nyama, asi Ribheka aida Jakobho.
29Rimwe zuva Jakobho akati achibika rupiza Esau ndokudzoka achibva musango aziya nenzara. 30Esau akati kuna Jakobho, “Dondipawo zvawabika zvakatsvukirira izvo ndidye nokuti ndaziya nenzara!” (Ndosaka akatumidzwa zita rokuti Edhomu)#25:30 Edhomu: Zvinoreva kuti kutsvuka..
31Jakobho akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako!”
32Esau ndokuti, “Ini ndava kufa nenzara kudai, ko udangwe hungandibatsirei?”
33Jakobho akati, “Tanga wapika izvozvo kwandiri nhasi uno. Naizvozvo Esau akapika akabva atengesera Jakobho udangwe hwake. 34Jakobho akapa Esau chingwa norupiza rwenyemba. Akadya akanwa akasumuka oenda zvake, nokudaro Esau akazvikanganisira udangwe hwake.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mavambo 25: SCLBC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: