Mavambo 33
33
Kusangana kwaJakobho naEsau
1Jakobho akatarisa akaona Esau achiuya namazana mana avarume. Akakamura vana vake achiti Rea navake, Rakeri navake, varanda vechikadzi vaye vaviri navavowo. 2Akatungamidza varanda vaye navana vavo pamberi, vachiteverwa naRea navana vake, kuchizouya Rakeri naJosefi kwokupedzesera. 3Iye Jakobho akavatungamirira, achiswedera kune mukoma wake akamugwadamira pasi kanomwe kudzamara azosvika kwaaiva.
4Asi Esau akamhanyira kundomuchingura, akasvikomumbundira, akati koche mutsipa wake akamutsvoda, ndokubva vose vasvimha kuburitsa misodzi. 5Esau akatarisa akaona vakadzi navana akati, “Ko ava vaunavo ndivanaani?”
Jakobho ndokuti, “Vana vangu ini muranda wenyu vandakapiwa naMwari nokuda kwenyasha dzake. 6Varanda navana vavo vakaswederawopo vakamugwadamira. 7Kwakatevera Rea navana vake vakauyapowo vakamugwadamira. Pakupedzesera, Josefi naRakeri vakauyawo vakamugwadamira.”
8Esau akati, “Ko matanga namatanga ezvipfuwo andasangana nawo ndeeiko?” Jakobho akati, “Ndeokukutetai changamire kuti mundiitirewo tsiye nyoro.”
9Esau akati, “Munun'una, ini ndinazvowo zvakawanda! Chengeta zvako zvinhu zvako!”
10Jakobho akati, “Kweteka. Kana mandiitira mwoyo munyoro, ndinokumbira kuti mugamuchire zvenyu zvipo zvandiri kukupai. Pandaona chiso chenyu ndaita sendaona chiso chaMwari nokuti mandifarira zvikuru. 11Gamuchirai zvenyu zvipo zvandakuigirai nokuti Mwari akaita zvokundiwodzvorera kwazvo. Chinondipa kudaro ndechokuti ndine zvose.” Akaramba achimunyengetedza kusvikira azvigamuchira.
12Esau akazoti, “Ngatichisimukai tiende zvedu, ini ndichakutungamirirai pamberi.”
13Asi Jakobho akamuti, “Changamire munoziva kuti vapwere havana kusimba. Uye ndinotyirawo hwai nemombe dzandinadzo dziri kuyamwisa. Kana zvikanyanya kumhanyiswa kwezuva rimwechete zvaro matanga ose ezvipfuwo zvinopera kufa. 14Zvino dai mukatungamira zvenyu pamberi pomuranda wenyu changamire. Ini ndichatevera zvangu zvishoma nezvishoma kudzamara ndasvika kwamuri kuSeiri sokufamba kwezvipfuwo zvandiri kutinha izvi nokufambawo kwavana, changamire.”
15Esau ndokuti, “Kana zvakadaro rega ndikusiyire vamwe varume vandinavo.”
Jakobho akati, “Ko munenge muchadarirei nhai changamire? Inga mandiitira mwoyo munyoro wani.” 16Nokudaro Esau akabvapo zuva iroro odzokera zvake kuSeiri. 17Asi Jakobho akaenda kuSukoti akambovaka musha wake namatanga ezvipfuwo zvake ikoko. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Sukoti.#33:17 Sukoti: Zvinoreva kuti Misasa.
18Jakobho akasvika zvakanaka kuShikemu munyika yeKanani achibva kuMesopotamia,#33:18 kuMesopotamia: MuchiHebheru munoti Padhaniaramu. akasvikodzika matendhe ake pedyo neguta reShikemu. 19Jakobho akatenga katunhu ikako kaakadzika matendhe ake kuna Hamori baba waShikemu. Akabvisa zana remari yamapesita yesirivha. 20Akavaka atari ipapo akaitumidza zita rokuti Erieroheisiraeri.#33:20 Erieroheisiraeri: MuchiHebheru izita rinoreva kuti Mwari, Mwari waIsiraeri.
Zvasarudzwa nguva ino
Mavambo 33: SCLBC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: