1 Vakorinde 4
4
Vapositori vaJesu
1Saizvozvo munhu ngaatitore savaranda vaKristu, vatariri vezvakavanzika zvaMwari. 2Vataririwo vanotarisirwa kuti vave vanhu vakatendeka. 3Kwandiri ini chinhu chidukuduku kuti nditongwe nemi kana kutongwa nedare ripi zvaro ravanhu. Hapana chandinozvipa mhosva nacho. 4Hapana chandinonzwa chinondirovesa hana asi hazvirevi kuti handina mhosva. Anogona kunditonga chete ndiTenzi. 5Nokudaro regai kupa munhu mhosva nguva isati yasvika, Tenzi vasati vauya. Ndivo vachaburitsa pachena zvinhu zvakavandika murima iye zvino uye vachaburitsa pachena zvinangwa zviri mumwoyo. Ipapo munhu wose achapiwa kurumbidzwa kwake naMwari.
6Ndichiitira kuti zvikubatsirei hama, ndazvitora ini naAporosi somuenzaniso, ndichiitira kuti imi mudzidze patiri kuti munhu ngaarege kupfuuridza pane zvakanyorwa, kuti pasave naanozvikudza nomunhu uyu kana nouyo. 7Nokuti akazoti uri mukuru pana vamwe ndiani? Chii chaunacho iwe chausina kutopiwa? Ko kana wakaita zvokutopiwa, unozvikudzireiko sokunge chisiri chipo? 8Imika zvenyu mune zvakakwana kare. Makatova vapfumika imi. Munotova madzimambo isu tisiri mazviri. Dai zvaingoitika kuti mutonge, kuti isu titongewo nemi. 9Ndinofunga kuti Mwari, isu vapositori, akatiisa kokupedzisira achitiratidza kunyika savanhu vanofanira kuuraiwa nokuti tatove chinhu chokuyevewa nenyika yose navatumwa navanhu. 10Tiri mapenzi zvawo pamusana paKristu asi imi makangwara muna Kristu. Isu hatina simba asi imi makasimba. Munoremekedzwa asi isu tinoshorwa. 11Kutaura kuno, tine nzara nenyota, uye takapfeka marengenya. Tinorohwa uye hatina musha. 12Tinozvishandira namaoko edu. Kana tikatukwa, isu tinoti ngavakomborerwe. Tikashushwa tinotirira. 13Kana tikareverwa makuhwa tinopindura zvinoyananisa. Iye zvino tiri marara zvawo apanyika namagufu#4:13 Namagufu: Zvinoreva mafufu. azvose.
Chikonzero chokukutsiurai
14Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei asi kuti ndikutsiurei savana vangu vapamwoyo, 15nokuti kunyange muna vadzidzisi vakazanirana munaKristu asi hamuna vanababa vakawanda. Ini ndakava baba venyu muna Kristu nokuda kweShoko Rakanaka. 16Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti munditevedzere. 17Pamusana paizvozvo ndiri kukutumirai Timoti, mwana wangu wapamwoyo wakatendeka muna Tenzi kuti akuyeuchidzei mugariro wangu muna Kristu sokuvadzidzisa kwandinoita kose kose musangano rimwe nerimwe. 18Vamwe venyu vavakuzvitutumadza sokunge ndisisauyeko kwamuri. 19Asi ndichauya kwamuri nokukurumidza, kana Mwari achida, ndipo pandichanzwa kwete zvinotaurwa navanhu vanozvikudza ava asi kuti ndichaona simba ravanaro, 20nokuti umambo hwaMwari hakusi kungotaura chete asi kuti isimba. 21Munodei imi? Ndokuvingai neshamhu here kana kuti mwoyo worudo uno unyoro?
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vakorinde 4: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: