1 Vakorinde 6
6
C: KUKWIRIRANA KUMATARE ENYIKA
1Kana mumwe wenyu akanganisirwa nomumwe, angafunge here chokwadi kuenda kumatare avanhu vasiri vanamati, panze pokuenda kuna vatsvene? 2Hamuzivi here kuti vatsvene ndivo vachatonga pasi pose? Zvino kana pasi pachizotongwa nemi hamugoni here kuenzanisa tunyaya tudiki twakadaro?
3Hamuzivi here kuti tisu tichatonga vatumwa; kokutozoti nyaya dzoupenyu huno? 4Zvino kana muine nyaya dzakadaro munodziendeserei kuna vanhu vasingaverengwi nesangano? 5Ndinotaura izvi kwamuri kuti munyare. Ndizvo here kuti hapana munhu pakati penyu mungwaru anogona kuenzanisa hama nehama?#6:5 Hama: Anorehwa pano apa munamati mukristu. 6Asi hama iri kutokwirirana matare neimwe hama pamberi pavasiri vatendi.
7Kukwirirana matare kukundikana ikoko. Zvinodii zvazvo kusva watakura zvako zvaunotadzirwa? Unodii kusva wanyengedzwa zvako? 8Asi iyemi pachenyu ndimi munoita zvakaipa muchibiridzira, muchitoita izvozvo kunyange kuhama dzenyu. 9Hamuzivisu kuti vasakarurama havawane nhaka youmambo hwaMwari. Musazvinyengedze kuti hapana unzenza navanamati vezvisiri Mwari, kana mhombwe navarume vanoita zvakaipa navamwe varume,#6:9 Ngochani. 10kana mbavha, kana vano ruchiva, kana zvidhakwa kana vanyombi kana makororo vanokwanisa kupinda muumambo hwaMwari. 11Ndizvo zvakanga zvakaitawo vamwe venyu asi makashambidzwa mukaitwa vatsvene, mukaruramiswa muzita raTenzi Jesu Kristu uye muna Mweya waMwari wedu.
D: SHANDISAI MUVIRI WENYU KURUMBIDZA MWARI
12Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose
asi hazvisi zvose zvinobatsira
Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose
asi handibvumi kuitwa muranda nechii zvacho.
13Chokudya chakaitirwa dumbu
dumbu rakaitirwa chokudya.
Asi Mwari achazviparadza zvose zviri zviviri
Muviri hausi wounzenza
asi ndowaTenzi,
Tenziwo ndewe muviri#6:13 Tarisa Varoma 8:10–13; 6:12; 12:1; 1 Vakorinde 7:4.
14Mwari akamutsa Tenzi
uye achatimutsawo nesimba rake.
15Hamuzivi here kuti miviri yenyu inhengo dzaKristu? Zvino ndingatore here nhengo dzomuviri waKristu ndichidziita nhengo dzomuviri wepfambi? Hazvimbofa zvakaitika. 16Hamuzivi here kuti munhu anozvibatanidza nepfambi anobva ava muviri mumwechete nepfambi? Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vaviri ivavo vachava nyama imwechete.” 17Munhuwo anobatana naTenzi anova mweya mumwechete naye 18Sianayi noupombwe. Zvimwe zvitadzo zvose zvinoitwa nomunhu zviri kunze komuviri asi munhu anoita zvoupombwe anotadzira muviri wake. 19Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene ari mamuri anobva kuna Mwari? Hamusirimi muridzi wezvamuri. 20Makatengwa nomutengo. Naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vakorinde 6: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: