1 Vakorinde 8
8
B: CHOKUDYA CHAKAPIRWA KUNA VAMWARI VASIRIIVO
1Panyaya yechokudya chakapirwa kuna vamwari vasirivo tinoziva kuti tose tine ruzivo nazvo. Ruzivo runotutumadza munhu asi rudo ndirwo runovaka munhu. 2Kana munhu achiti ndinoziva, haazivi sokuziva kwaanofanira kuita. 3Asi kana munhu achida Mwari, anozivikanwawo naye.
4Saizvozvo pane zvechokudya chakapirwa kunavamwari vasirivo, tinoziva kuti pasi pano chinonzi mwari asiri iye hakuna uye kuti hakuna mumwe mwari kusiya mumwechete. 5Kunyange variko zvavo vanonzi vamwari kudenga kana panyika varikowo zvechokwadi vanonzi vamwari vakawanda navanonzi vanatenzi vakawanda. 6Asi kwatiri isu, kunongova naMwari mumwechete Baba kwakabva zvinhu zvose. Ndiyewo watakasikirwa naTenzi mumwechete Jesu Kristu. Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari iye kana iyesu takasikwa nemaari.
Munhu ano ruzivo
7Asi havasi vose vano ruzivo irworwo asi vamwe nokutojairirana navamwari vasirivo, vanodya chokudya ichocho sokunge chakapirwa zvechokwadi kunamwari asiriye. Zvino pamusana pehana dzavo nhete vanobva vasvibiswa. 8Asi chokudya hachisvitsi munhu pedyo naMwari. Hapana chatinorasikirwa nacho kana tikarega zvedu kudya uyewo hapana chatinowana kana tikadya. 9Asi chenjerai kuti rusununguko rwenyu irworwo rurege kuva chigumburo kuna vasina kusimba. 10Ndinodaro nokuti munhu akakuona iwe uno ruzivo uri pakudya mutemberi yavamwari vasiri ivo haazokurudzirwa here kana ari uya wehana nhete kuti adye chokudya chakapirwa kuna vamwari vasiri ivo? 11Saizvozvo noruzivo rwako, munhu uyu wehana nhete anoparadzwa, hama yakatofirwa naKristu. 12Nezvo nokutadzira hama dzako kudaro uchikuvadza hana dzadzo kana dziri nhete uri kutotadzira Kristu. 13Naizvozvo kana chokudya chichikonzera kuti hama yangu iputsike handimbofa ndakadya nyama kuti ndirege kukonzera hama yangu kuputsika.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vakorinde 8: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: