Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Pita 3

3
Murume nomukadzi vakawanana
1Ndizvo zvimwechetewo nemi madzimai zviisei pasi pavarume venyu kuti vamwe vavo kunyange vasingateereri shoko, vanogona kubatwa mwoyo nomugariro wavakadzi vavo pasina chataurwa, 2kana vaona kuremekedza#3:2 Kuremekedza: Kunogona kuva kuremekedza kwavo Mwari kana kuremekedza kwavanoita varume vavo. kwenyu noupenyu hwenyu hwakachena. 3Kuzvishongedza kwenyu ngakurege kuva kokunze zvakaita sokugadzira vhudzi nokuzvishongedza nendarama nokupfeka hanzu dzamandiriri. 4Runako rwenyu ngaruve rwohunhu hwakavandika rwomumwoyo nechishongo chisingaparari chomweya wakapfava worunyararo wakakosha kwazvo pana Mwari. 5Saizvozvo ndizvo zvaiitwa navakadzi vakare vatsvene vaiva nechitarisiro muna Mwari. Vaizvishongedza nokuzviisa pasi pavarume vavo 6sokuteerera Abhurahumu kwakaita Sara achimuti Tenzi. Zvino imi ndimi vana vake kana mukaita zvakanaka musina chamunotya.
7Ndizvozvowo nemi varume, munofanira kugara navakadzi venyu nokunzwisisa muchivaremekedza savanhu vasina simba serenyu. Varemekedzei nokuti vachagamuchira pamwechete nemi chipo choupenyu kuti minamato yenyu irege kupingidzwa.
Kutambudzikira zvinhu zvakanaka
8Pokupedzisira, mose zvenyu ivai nomwoyo mumwechete muchinzwirana urombo muchidanana sehama nehama nokuva nomwoyo munyoro nomwoyo wokuzvirereka. 9Musadzorere chakaipa nechakaipa kana kurengerera nokurengerera asi chenyu imi itotii ngavakomborerwe nokuti ndizvo zvamakadaidzirwa kuti muwane chikomborero.
10“Uyo anoda upenyu,
anoda kuwana upenyu hwakanaka,
ngaazvidzore rurimi rwake kuuipi
nomuromo wake urege kutaura nhema.
11Ngaasiane nouipi aite zvakanaka
ngaatsvake rugare arutevere,
12nokuti maziso aTenzi ari pavarurami
nzeve dzake dzakarerekera kuzvichemo zvavo.
Uso hwaTenzi hunonangana navanoita zvakaipa.”
13Ndiani angakukuvadzei kana muine shungu nezvakanaka? 14Asi kunyange zvazvo mukatambudzikira ururami muchakomborerwa. Musavatye uye musazvidye mwoyo. 15Asi imi mumwoyo menyu remekedzai Kristu saTenzi. Garai makagadzirira kupindura munhu anokubvunzai nezvechitarisiro chiri mamuri, asi zviitei nemwoyo munyoro norukudzo 16muchengetedze hana dzenyu dzakachena kuti kana votaura zvakaipa nezvenyu, vanonyomba mugariro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe 17nokuti zviri nani kutambudzikira kuita zvakanaka kana zviri izvo zvinoda Mwari pano kuita zvakaipa, 18nokuti Kristu akafira#3:18 Akafira: Mamwe maBhaibhiri anoti akatambudzikira. zvitadzo chakamwe, munhu akarurama achifira vasina kururama kuti atiunze kuna Mwari. Mumuviri akauraiwa, mumweya akamutswa. 19Muupenyu hwomweya ihwohwo akaenda akandoparidza kumweya yaiva muusungwa 20vasina kunge vateerera; Mwari paakamirira nomwoyo wake murefu, pamazuva aNowa ngarava ichavakwa, makazoponeswa vanhu vashoma vanokwana vasere chete, vakaponeswa nemvura. 21Ruombeko rwakaita saizvozvo. Runokuponesai zvino, kwete nokubvisa tsvina pamuviri asi sechichemo kuna Mwari kuti hana icheneswe pamusana pokumuka kwaJesu Kristu 22akaenda kudenga, zvino ari kurudyi rwaMwari. Vatumwa neveushe navanamasimba vari pasi pake.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Pita 3: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda