1 Samueri 20
20
Jonatani anobayira Dhavhidhi zanhi
1Dhavhidhi akatiza kuNaioti kuRama akaenda kuna Jonatani akandoti, “Chandakaita chaizvo chii? Chandakakanganisa chii? Mhosva yandakapara nababa vako ndeyei zvavanototsvaka kundiuraya kudai?”
2Iye akamupindura achiti, “Hazvimboitika! Haumbofa. Inzwa unzwe, baba vangu hapana chinhu chavanondivanzira kana kai zvako. Vangazondivanzira izvozvi kuti kwauyei? Hazviitike izvo.”
3Asi akasimbisisa zvakare achiti, “Baba vako vakanyatsozviona kuti iwe unondida. Saka ivo vanototi, ‘Dai Jonatani akarega kuzviziva nokuti zvingamushungurudze kwazvo. Chaizvo naTenzi mupenyu kana newe uri kutozvionawo kuti upenyu hwangu huri parumano.’ ”
4Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Chose chaunenge wandikumbira ndichakuitira.”
5Dhavhidhi akati kuna Jonatani, “Unoona, mangwana kugara kwomwedzi, izuva guru randinofanira kunge ndigere pakudya namambo. Zvino chirega ini ndiende kundohwanda zvangu mumunda kusvikira zuva retatu mauro. 6Kana baba vako vakazviona chaizvo kuti handipo, wovataurira kuti, ‘Dhavhidhi andikumbirisa chaizvo kuti ambomhanyira kuBheterehemu kuguta rokwake nokuti kuri kuitwa chibayiro chavo chomusha wose chepagore,’ 7kana vakati, zvakanaka, zvinenge zvatondinakirawo ini, muranda wenyu. Asi kana zvikavavirutsa nehasha, wobva watoziva zvako kuti rokuda kundiparadza riya vanaro mumwoyo. 8Ndiitirewo mwoyochena ini muranda wenyu nokuti wakandisvitsa pakuitirana newe chitsidzirano pana Tenzi. Asi kana ini ndiine mhosva chisva wandiuraya iyewe, nokuti chii chaungandiisira mumaoko ababa vako?”
9Jonatani akati, “Hazvimboitika kwauri izvo! Dai ndichinyatsoziva chaizvo kuti baba vangu vari kuda kukuparadza, ndairega here ini kukutaurira.”
10Dhavhidhi akati kuna Jonatani, “Kana baba vako vakakujinyura, ndiani achazondiudzawo izvozvo?”
11Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Handei zvedu mumunda.” Vose vari vaviri vakaenda zvavo musango. 12Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “NaTenzi chaiye Mwari wavaIsiraeri, kana baba vangu ndichinge ndavanzwa iyo nguva ino iyi, mangwana kana kuti pazuva retatu handimborega kukutaurira. 13Kana baba vangu vachinge vachida kukuparadza, ini ndikarega kukutaurira kuitira kuti iwe uende zvako usina chinokuwana, Tenzi ngaandione iyeni Jonatani ndiwirwe zvangu nezvimwe zvikuru kwazvo. Tenzi ngaave newe sezvaaiva nababa vangu. 14Ndiitire mwoyochena waTenzi ndichiri mupenyu uye ndafa 15usasudurukane nemhuri yangu narini wose, kunyangewo panenge Tenzi oparadza vavengi vose vako iwe Dhavhidhi pasi pano 16zita raJonatani ngarirege kupfudzwa kumba yaDhavhidhi uye kuti Tenzi ngaatsividze vavengi vaDhavhidhi.”
17Jonatani akaita kuti Dhavhidhi amutsurudze chitsidzirano chake naye pamusana pokuti iye Jonatani aimuda sokuda kwaaizviita iye pachake. 18Jonatani akati kwaari, “Mangwana kugara kwemwedzi izuva guru asi zvichaoneka kuti iwe haupo nokuti chigaro chako chinenge chisina munhu. 19Ko kutozoti pazuva retatu racho, wotoita zvokukurumidza zvako kundohwanda kwacho#20:19 chiHebheru chacho pano apa hachinyatsonzwika. uende panzvimbo paya pawakambohwanda pakambomuka nyaya iyoyi urambe uri kuseri kwedombo reEzeri. 20Ndichapfura nouta miseve mitatu ndakananga kune rumwe rutivi rwaro ndichinge ndine chandakananga. 21Chinzwaka, ndichatuma mumwe mukomana ndichiti, ‘Enda kundotsvaka miseve yacho.’ Ndikamutaurira chaizvo kuti, ‘Iwe, miseve iri kurutivi uku, itore,’ iwewo wouya zvako nokuti naTenzi mupenyu chaizvo, hakuna chichange chichakuwana, unenge uri muchete. 22Asi kana ndikati kumukomana wacho, ‘Iwe, miseve iri mberi uko,’ iwewo pakadaro apo, ibva waenda zvako, nokuti Tenzi anenge achikuti uende zvako. 23Kana zviri zvenyaya yatakurukurirana iyi, chinzwaka, Tenzi anesu narini wose.”
24Nokudaro Dhavhidhi akandohwanda mumunda. Zuva riya rokugara kwomwedzi rakasvika, mambo ndokugara zvake pakudya. 25Mambo akagara pachigaro chake sezvaaisiita, pachigaro chake chokumadziro. Jonatani akagara pakatarisana naye,#20:25 Pakatarisana naye: muchiHebheru munoti akasimuka. Abhuneru akagara parutivi rwaSauro, asi nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. 26Kunyange zvakanga zvakadaro Sauro haana chaakataura zuva iroro, nokuti akangotiwo, “Hamheno zvaitika kwaari, akan'ora, kun'ora chete uku.” 27Asi zuva rechipiri rokunge mwedzi wagara, nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. Sauro akati kuna Jonatani mwana wake, “Seiko uyu mwanakomana waJese asina kuuya kuzodya nezuro kana nhasi?”
28Jonatani akapindura Sauro achiti, “Dhavhidhi akandikumbirisa kwazvo kuti ndimurege aendewo kuBheterehemu. 29Akati ‘Ndapota ndiregei ndiendeko nokuti vomumusha medu vari kuita chibayiro muguta imomo. Uyewo mukoma wangu pachake ndiye anditi ndinofanira kuendawoko. Kana muchida zvenyu, ndapota ndiregei zvangu ndiende kundoona vakoma vangu.’ Ndokusakawo asina kuuya kuzodya namambo.” 30Sauro akavirukira Jonatani nehasha akati kwaari “Tsvuuramuromo, mhandupandu yomwana. Unoti handizvizive nhai kuti wapfekwa chaizvo nomwana waJese iwe zvinonyadzisa kwazvo zvinotofumurisa amai vako chaivo vokukubereka? 31Hauone here kuti kana mwana waJese uyu ari mupenyu pasi pano, iwe noumambo hwako haumbofa hwakadzika midzi, kana iwe pakopo haumbofa wakahunhuhwa. Chitobva watomutumira vanhu vauye naye kwandiri chake chete rufu.”
32Jonatani akapindura baba wake Sauro achiti, “Chaanourayirwa chaicho chii? Chii chaakapara?”
33Asi Sauro akamuregedzera pfumo zvokutoda kumupfuudza zviya. Iyewo Jonatani ndokubva aziva kuti baba wake vatsunga mwoyo kuponda Dhavhidhi. 34Jonatani akabva apomoka pakudya, apaka chaizvo kushatirwa, ndokubva aramwa zvokudya zuva rechipiri iroro rokugara kwemwedzi nokuti akanga arwadziwa mwoyo nezvaDhavhidhi, uyewo nokuti baba wake akanga amunyadzisa. 35Mangwana acho mangwanani, Jonatani akaenda mumunda muya kwavakanga varangana kusangana naDhavhidhi aine kamwe kakomana. 36Akataurira kakomana kake kaya kuti, “Mhanyira kundononga miseve yandichakanda.” Kakomana aka pakakanga kakumhanya akakanda museve mberi kwako. 37Kakomana pakakasvika kwakanga kwawira museve wakanga wakandwa naJonatani, Jonatani akadaidzira kukakomana aka achiti, “Inga wani museve wacho uri mberi kwako uko?” 38Jonatani akadaidzira kukakomana kaya achiti, “Ita zvokukurumidza, kasika! Rega kuramba wakangoti tumbi ipapo.” Kakomana kaJonatani kaya kakabvawo kanonga miseve iya ndokudzokera kuna vatenzi vako. 39Asi kakomana ikaka hakana zvakakanga kachiziva, Jonatani naDhavhidhi chete ndovakanga vaine zvavaiziva. 40Jonatani akapa kakomana aka zvombo zvake, akati kwakari, “Takura izvi uende nazvo kuguta.” 41Pakangoti kakomana aka endei, Dhavhidhi ndokubva akwanyanukawo kuchamhembe kwedombo riya ndokusvikoti pasi gwadagwa, akatsikitsira uso ndokumukotamira katatu. Vakatsvodana vakahwihwidza kuchema. Dhavhidhi akachema zvakanyanya kwazvo. 42Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Ufambe zvakanaka, maererano nokutsidzirana kwatakaita muzita raTenzi tichiti, ‘Tenzi ngaave nesu pauviri hwedu, avewo nezvizvarwa zvedu narini narini.’ ” Dhavhidhi akasimuka ndokuenda, Jonatani ndokudzokera zvake kuguta.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Samueri 20: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: