Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Timoti 1

1
1Ndini Pauro mupositori waKristu Jesu sokutemwa kwazvakaitwa naMwari mununuri wedu uye naKristu Jesu, tariro yedu, 2ndinokunyorera iwe Timoti mwana wangu chaiye muchitendero. Dai Mwari Baba naKristu Jesu Tenzi wedu akukomborera nenyasha nengoni norugare.
Chenjerera vadzidzisi venhema
3Sokukukurudzira kwandakaita pandakanga ndichienda kuMasedhonia, ramba uri kuEfeso kuti uudze vamwe vanhu kuti varege kukudzidzisa zvidzidziso zvisina akambodzidzisa; 4kana kudzidzisa ngano dzisina kwadzo nemirongorongo yamazita amadzitateguru nehurukuro dzisina kwadzinosvitsa panze pezvinangwa zvaMwari zviri muchitendero. 5Asi icho chinangwa chebasa redu ndecherudo runobva mumwoyo wakanaka nehana yakachena nechitendero#1:5 Chitendero: Kana kuti rudaviro. chisina unyengedzi. 6Vamwe vanhu vakazotetereka pamusana pokutsauka pazviri vopinda muhurukuro dzisina maturo 7vachida kuva vadzidzisi voMutemo asi vasinganzwisi zvavanotaura kana kuziva zvinhu zvacho zvavanenge vachitaura nezvazvo. 8Zvino chatinoziva ndechokuti mutemo wakanaka kana ukausevenzesa zviri pamutemo. 9Asi chatinozivawo ndechokuti mutemo hauisirwi vakarurama asi unoisirwa vanhu vasina mutemo nenhubu navasina Mwari navatadzi, navasinei naMwari navanhu vasina matyira nezvinhu zvinoera nemhondi dzinouraya madzibaba 10nemhondi dzinouraya amai navanouraya vanhu navanoita upombwe uyewo ngochani namatasvuramwoyo navarevi venhema navanopika zvenhema navanoita zvinopesana nechidzidziso chechokwadi 11maererano neShoko Rakanaka rembiri raMwari wamakomborero rakaiswa mumaoko mangu.
Pauro anotenda nyasha dzakaitwa kwaari
12Ndinotenda Kristu Jesu Tenzi wedu akandipa simba rokuita izvi. Kundisarudza kwaakaita mubasa rake kuona kwaakaita kutendeka kwangu. 13Kunyange pakutanga ndakambomushonha ndikamutambudza ndikamutuka asi ndakaitirwa tsitsi nokuti ndakazviita mukusaziva nomukusatenda.#1:13 Mukusatenda: Kana kuti nomukusadavira kana kuti nomukusatenda. 14Nyasha dzaTenzi dzakawodzvorerwa pandiri nokutenda norudo rwatinarwo muna Kristu Jesu. 15Ishoko rinotendeseka uye rinokodzera kunyatsogamuchirwa rokuti Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi. Ini ndini mutadzi mukuru wacho. 16Asi ndakaitirwa tsitsi kuti mandiri somukuru mukuru wacho, Jesu Kristu aonese mwoyo murefu wake wakazara somuenzaniso kuna vakanga vachizodavira maari kuitira upenyu husingaperi. 17Kukudzwa uye mbiri ngazvipiwe kuna Mambo wapasichigare narini narini kuna iye asingafi asingaoneki, anongova ndiye Mwari oga. Ameni.
18Zvakatemwa izvi ndinozviturira mumaoko mako itwe Timoti, mwanangu, maererano nezvakaporofitwa zvakanga zvakananga iwe, kuti unyatsorwisa uchifemerwa naizvozvo, 19urambe wakabatisisa chitendero uye uine hana yakachena. Vamwe vanhu vakaramba kuteerera hana dzavo vakaparadza chitendero chavo. 20Vamwe vavo ndavana Humenaosi naArekizanda vandakaturira kuna Satani kuti vadzidze kusashonha Mwari.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Timoti 1: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda