2 Nhoroondo 33
33
C: ZVITADZO ZVAMAMBO MANASE NAMAMBO AMONI
Manase mambo wokwaJudha
(2 Madzi 21:1–9)
1Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu ane mashanu ari muJerusaremu. 2Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera tsika dzinosemesa kwazvo dzaiitwa namarudzi akadzingirwa vanhu vechiIsiraeri naTenzi 3nokuti akavakazve nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziye dzakanga dzamboparadzwa nababa wake Hezekiya. Iye akavakirawo vanaBhaari atari akagadzirawo zvifananidzo zvokunamata zviAshera. Akapfugamira gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga achizvinamata. 4Akavakawo dziatari mumba yaTenzi yakanga yanzi naTenzi, “PaJerusaremu ndipo pachava nezita rangu nokusingaperi.” 5Akavakira atari gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga muzvivanze zviviri zvemba yaTenzi. 6Akapisa vana vake vakomana sezvibayiro mubani remwanakomana wokwaHinomu.#33:6 Mwanakomana wokwaHinomu: MuchiHebheru munoti Beni Hinomu. Manase akanga apindawo mune zvokufembera nemaminimini nezvoun'anga hwokududzira mashura nokuromba mishonga kumasvikiro nokun'anga. Akaita zvakaipa zvakanyanya kwazvo zvisingadiwe naTenzi akamuvirutsa nehasha. 7Chifananidzo chokunamata chaakagadzira chiya akachimisa mumba yaMwari iya yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Pamba iyi neJerusaremu pandakasarudza mumadzinza ose eIsiraeri ndipo pandichaisa zita rangu narini wose 8uyewo kuti handizoita kuti tsoka yomuIsiraeri ibude kunze vadzungairezve vari kunze, kwenyika yandakasarudzira madzibaba avo. Ndokunge chete vachenjerera kuita zvose zvandakati vaite uye nezvose zviri pamutemo nemirao nezvirevo zvavakapiwa nokuna Mosesi.” 9Manase akafurira vokwaJudha pamwechete nevagari vomuJerusaremu zvokuti vakaita zvakaipa zvaitopfuura zvakaitwa namarudzi aye akaparadzwa naTenzi achiadzingira vanhu veIsiraeri.
Kupinduka kwaManase
10Tenzi akataura kuna Manase nokuvanhu, asi havana kuzviteerera. 11Naizvozvo Tenzi akavaunzira vatungamiriri vehondo vokwamambo weAsiria. Vakasvikobata Manase nezvikochekero vakamusunga nengetani dzendarira vakaenda naye kuBhabhironi. 12Ari munhamo yake iyoyi akateterera kuna Tenzi, Mwari wake kuti amucheukewo. Akazvidukupisa kwazvo pana Tenzi, Mwari wemadzibaba ake. 13Akanamata kwaari, Mwari akagamuchira chichemo chake akanzwa chikumbiro chake akabva amudzosera kuJerusaremu paumambo hwake. Ndopakazoziva Manase kuti Tenzi ndiye Mwari.
14Mushure macho akavakira Guta raDhavhidhi rumwe rusvingo nechokunze kumadokero kweGihoni mubani, uye rwekumusuo wokupinda kusuo guru reHove. Akapoterera narwo nokuOfero. Akarurebesa kwazvo kuenda mudenga. Akaisa vatungamiriri vehondo mumaguta ose etsvingo okwaJudha. 15Akabvisa mumba maTenzi, vamwari vasirivo nechifananidzo chokunamata chiya neAtari dzose dzaakambenge avaka pagomo reimba yaTenzi nomuJerusaremu. Akazvirasira kunze kweguta. 16Akagadziridzawo atari yaTenzi akapirirapo zvibayiro zvomipiro yokuwadzana neyokutenda. Akatemera vokwaJudha kuti vanamate Tenzi, Mwari waIsiraeri. 17Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachipira zvibayiro panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziya asi vachipira kuna Tenzi, Mwari wavo chete.
Rufu rwaManase
(2 Madzi 21:17–18)
18Inga dzimwe nyaya dzezvaManase nomunamato wake waakaita kuna Mwari wake nemazwi avaoni vakataura kwaari muzita raTenzi, Mwari weIsiraeri dzirimo muNhoroondo dzaMadzimambo eIsiraeri. 19Kwouyawo munamato wake nokugamuchirwa kwakaitwa chichemo chake naMwari, nechitadzo chaakapara, nokusava munhu ari pachokwadi kwaakaita nemaakavakira nzvimbo dzokuteurira dzokunamatira akamisa zvifananidzo zviAshera nezvimwewo zvifananidzo zvokunamata asati azvidukupisa, zvakanyorwa wani muNhoroondo dzavaoni.#33:19 Dzavaoni: Kana kuti VaHozai.
20Saizvozvo Manase akavata oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake vakamuviga mumba make. Mwanakomana wake Amoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Amoni mambo wokwaJudha
(2 Madzi 21:19–26)
21Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakore maviri ari muJerusareumu. 22Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi sezvakaitwa nababa wake Manase. Amoni akapira zvibayiro kuzvifananidzo zvose zvokunamata zvakanga zvagadzirwa naManase baba vake akazvinamata. 23Haana kuzvidukupisa pana Tenzi sezvakaita Manase baba vake akazvidukupisa. Amoni iyeyu akaramba achingopara dzimwe mhosva.
24Makurukota ake akaita bangano rokumupandukira vakamuuraya mumba make. 25Vanhuwo venyika iyoyo vakauraya vose vakanga vapandukira mambo Amoni wacho. Vanhu vomunyika imomo vakagadza Josiya mwanakomana wake umambo panzvimbo pake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Nhoroondo 33: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: