2 Vakorinde 12
12
Zvioneso nezviratidzo zvaPauro
1Hazvina zvazvo zvazvinobatsira asi ndinofanira kuenderera mberi nokuzvirumbidza. Ndava kuenda kune zvezvioneso nezviratidzo zvaTenzi. 2Ndinoziva mumwe munhu muna Kristu akatututswa kuenda kudenga rechitatu makore gumi namana apfuura. Kuti akaendako nomuviri wake here kana kuti asina muviri wake, handizivi, Mwari ndiye anoziva. 3Chandinoziva ndechokuti munhu uyu akatututswa kuenda kuParadhiso. Kuti akaendako nomuviri wake here kana kuti asina muviri wake, handizivi, asi Mwari ndiye anoziva. 4Ikoko akanzwa zvinhu zvisingatauriki zvisingabvumirwi kuti munhu ataure. 5Munhu iyeyo ndinodada naye asi ini pachangu handizvidadisi. Chandinodada nacho utera hwangu. 6Dai kuri kuti ndinozvidadisa zvangu, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi asi handizvidadisi kuti vanhu varege kundiona sowokumusoro kupinda zvavanoona mandiri kana zvavanonzwa kwandiri.
7Asi kuti ndirege kuita zenze nezviratidzo zvakawanda ndakapiwa munzwa munyama, nhumwa yaSatani yokundishusha kuti ndirege kuva nezenze. 8Ndakateterera Tenzi katatu kose nezvawo kuti ubviswe 9asi akati, “Nyasha dzangu dzinokwana kwauri nokuti simba rangu rinoonekwa muutera kushanda kwaro kuzere.” Naizvozvo ndinotofara kudada noutera hwangu kuti simba raKristu rigare pandiri. 10Nezvo pamusana paKristu, ndinofara noutera nokutukwa nezvinonetsa nokushushwa nenhamo nokuti kana ndiino utera ndipo pandine simba.
Pauro ane hanya naVakorinde
11Ndaita benzi chairo asi ndimi maita kuti ndidaro. Imi ndimi maifanira kutozivisa vanhu zvandiri nokuti hapana chandinopfuurwa naivo vapositori vapamusoro vacho ivavo kunyange zvangu ndiri chinhu pasina. 12Zviratidzo zvomupositori wechokwadi zvakaitwa pakati penyu nomwoyo murefu chaiwo nezviratidzo nezvishamiso namabasa makuru. 13Ko chamusina kuitirwa chakaitirwa mamwe masangano ndechipi kusiya kuti hapana, ini pachangu, chandakakuremedzai nacho. Mundiregererewo kukukanganisirai kudai.
14Ndakagadzirira kukushanyirai kechitatu, asi hapana chandichakuremedzai nacho nokuti handisikutsvaka zvinhu zvenyu asi imi nokuti vana havasiri ivo vanofanira kuriritira vabereki asi vabereki ndivo vanofanira kuriritira vana vavo. 15Ndingafare kupedzera imi zvinhu zvangu kana kupera iyeni ndichiitira imi. Zvino kana ndichikudai zvakanyanya kudai, ndicho chingave chikonzero chokundida kwenyu zvishoma here? 16Ngatitii ini handina kukuremedzai asi imi mungati kungwarisaka kwangu ikoko kwaita kuti ndikudyei nomunyati? 17Ndakakunyengedzai here nokuno mumwe wavandakatumirai kwamuri? 18Ndakakurudzira Titosi kuenda ndikamutumira neimwe hama yedu. Titosi akakunyengedzerai here? Hatina here kushanda nomweya mumwecheteyo tichitevera gwara rimwechete?
Zvaityirwa naPauro
19Manga muchifunga here, pose apa, kuti tanga tichizvidzivirira kwamuri? Takanga tichitaura muna Kristu pamberi paMwari tichida kukuvakai, hama dzangu. 20Ndavakutotya kuti pamwe ndichauya ndikasvikokuwanai musiri zvandinoda kuti munge muri uye kuti muchandiwana ndisiri zvamunoda kuti ndinge ndiri. Zvichida pano kutukana kana shanje kana hasha kana kuzvifunga kana kurevana kana makuhwa kana kuzvikudza kana nyonganyonga. 21Ndiri kuzeza kuti pandichauyazve, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, ndavakuungudza ndichichema vazhinji vaya vakatadza vasati vapinduka kune zvakan'ora nounzenza noupombwe zvavakaita.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Vakorinde 12: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: