2 Johani 1
1
Kusuma
1Ini mukuru wesangano, ndinokunyorerai imi amai makasarudzwa. Ndinokunyorerai imi pamwechete navana venyu musangano, imi vapamwoyo chaivo, kwete kwandiri chete, asi vapamwoyowo kuvanhu vose vanoziva chokwadi 2pamusana pechokwadi chinogara matiri uye chichagara matiri nokusingaperi.
3Nyasha netsitsi norugare ngazvive nesu zvichibva kuna Mwari Baba uye kuna Jesu Kristu Mwanakomana waBaba muchokwadi uye murudo.
Mutemo worudo une chokwadi
4Ndakafara kwazvo kuona vamwe vana venyu vachitevera chokwadi sokuudzwa kwatakaitwa naBaba. 5Zvino ndinokukumbirai mai, kwete sokunge ndiri kukunyorerai nezvomutemo mutsva asi mutemo watakanzwa kubvira pakutanga wokuti tinofanira kudana. 6Chinonzi rudo ndechichi chokuti, tinofanira kuchengeta mitemo yake. Mutemo wacho, sokunzwa kwamakaita kubvira pakutanga, ndowokuti munofanira kutevedza upenyu hworudo.
Mhandu dzaKristu
7Ndinodaro nokuti vanyengedzi vakawanda vapararira nenyika. Vanhu ivavo havabvumi kuti Jesu Kristu akauya somunhu. Munhu akadaro ndiye munyengedzi uya, uye ndiye mhandu yaKristu. 8Zvichenjererei kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira asi kuti muwane mubayiro uzere. 9Ani naani anowedzera zvomusoro wake asingarambe ari mune zvinodzidziswa naKristu, haana Mwari. Munhu anoramba ari mune zvinodzidziswa naKristu ana Baba naMwanakomana. 10Kana mumwe munhu akauya kwamuri aine chidzidziso chakasiyana nechichi musamupinze mumba kana kumukwazisa 11nokuti anomukwazisa anodyidzana naye mubasa rake rakaipa.
12Kunyange zvazvo ndiine zvakawanda zvokukunyorerai ndinosarudza kusashandisa pepa neingi. Ndinovimba kuti ndichauya ndozokuonai tozotaurirana tichionana uso nouso kuti kufara kwedu kunyatsozara kuti tuba. 13Vana vomunun'una wenyu, akasarudzwa naMwari vanokukwazisai.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Johani 1: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: