2 Vatesaronika 1
1
1Ndini Pauro naSirivhanusi naTimoti tinokunyorerai imi sangano rokuTesaronika muna Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu. 2Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba nokuna Tenzi Jesu Kristu.
3Tinosungirwa kutenda Mwari nguva dzose pamusana penyu, hama dzangu, sechinhu chinokodzera kuitwa nokuti chitendero chenyu chiri kuramba chichingokura kwazvo uye kudanana kwenyu kuri kukura. 4Naizvozvo isu pachedu tinodada nemi mumasangano aMwari nokuda kwokutsungirira kwenyu pakutenda mukutambudzwa kwenyu kose nenhamo dzamunotakurana nadzo.
5Zvose izvozvi zvinoratidza kugona kutonga kwaMwari kuti imi munokodzera kupinda muumambo hwaMwari hwamuri kutamburira 6uyewo nokuti Mwari anozviona chiri chinhu chinokodzera kutsividza nenhamo avo vanokutambudzai. 7Achakupai zororo pamwechete nesu imi muri kuoneswa nhamo kana Tenzi Jesu oratidzwa achibva kudenga navatumwa vake vane simba 8mumoto unonganduma. Achatsividza avo vasingazivi Mwari navavo vasingateereri Shoko Rakanaka raTenzi wedu Jesu. 9Vachatambura neshamhu yokuparadzwa zvisina mugumo uye vachabviswa pana Tenzi nekumbiri yesimba rake 10paanouya musi iwoyo kuzorumbidzwa muvatsvene vake uye kuzoyemurwa pamusana pavavo vakatenda kwaari nokuti makagamuchira kupupura kwedu. 11Pamusana paizvozvi tinonamata nguva dzose kuti Mwari wedu aite kuti imi muve vanhu vakakodzera kukudaidzai kwaakaita uye kuti aite kuti zvakanaka zvamunoda kuita zvechitendero zvibudirire nesimba rake, 12izvi kuri kuitira kuti zita raTenzi wedu Jesu rirumbidzwe mamuri imiwo murumbidzwe maari maererano nenyasha dzaMwari wedu nedzaTenzi Jesu Kristu.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Vatesaronika 1: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: