2 Timoti 2
2
Murwi kwaye waKristu Jesu
1Naizvozvo iwe mwanangu chisimba uchibatsirwa nenyasha dzatinowana muna Kristu Jesu. 2Zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, zviturire kuvanhu vakatendeka vanokwanisa kudzidzisawo vamwe. 3Tirira chikamu chako chamatambudziko zvakanaka somurwi waKristu Jesu. 4Hakuna musoja achiri pabasa anozvipinza mumabasa amazuva ose kana achida kugutsa akamunyora pabasa. 5Hakunawo munhu wamapitse omutambo anopiwa chiremba kusatoti achengeta mitemo yacho. 6Murimi anoshanda zvakasimba ndiye anofanira kuwana mukoho wokutanga wembeswa. 7Rangarira zvandinotaura nokuti Tenzi achakupa kunzwisisa muna zvose.
8Yeuka Jesu Kristu akamuka muvafi, wedzinza raDhavhidhi sokuparidzwa kwazvinoitwa muShoko rangu Rakanaka 9randiri kutambudzikira ndakasungwa makechemi somunhu anotyora mitemo yenyika. Asi Shoko Rakanaka harisungwi. 10Naizvozvo ndinotirira zvose pamusana pavasarudzwi kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu nembiri yarwo inogara narini narini.
11Izvi ndezvechokwadi zvokuti
“Kana takafa pamwechete naKristu
tichararama pamwechete naye.
12Kana tikatirira tichatonga pamwe naye
kana tikamuramba
iye achatirambawo.
13Kana tikasatendeka
iye anoramba akatendeka
nokuti haagoni kuva zvaasiri.”
Mushandi waMwari chenjerera vadzidzisi venhema
14Vayeuchidze izvi uvakomerese pamberi paTenzi kuti varege kuitirana nharo nezvamazwi zvisingavabatsiri asi zvinotouraya vanenge vakateerera. 15Edza napose paunogona kuva munhu anogamuchirika pana Mwari, mushandi asina chaanganyare nacho anoziva kushanda namagwaro matsvene echokwadi zvakanaka. 16Siyana nehurukuro dzisina zvoumwari mukati nokuti zvinoramba zvongotungamirira vanhu mune zvisina umwari. 17Hurukuro dzavo dzinonyenga seronda risingapori. Vamwe vavo ndavana Himenayosi naFiretusi 18vakatsauka pachokwadi, vanoti zvokumuka kuvafi zvakatoitika. Vari kudzongodza chitendero chavamwe. 19Asi hwaro hwaMwari hwakasimba hunoramba huripo hwakanyorwa kuti, “Tenzi anoziva avo,” uye kuti, “Munhu wose anodaidza zita raTenzi, ngaasiyane nouipi.”
20Muzimba hombe hamuna midziyo yendarama neyesirivha chete asi mune yemiti neyevhu. Mimwe ndeyamazuva makuru, imwewo ndeyamazuva ose. 21Munhu akazvichenura kune zvinoshoreka anobva ava mudziyo wakakosha wamazuva makuru achiva mudziyo wakayereswa une basa, kumuridzi wemba, wakagarira basa ripi neripi rakanaka. 22Naizvozvo siyana nehavi dzevechiduku unangane noururami nechitendero norudo norugare pamwechete navanodaidza kuna Tenzi nemwoyo wakanaka. 23Siyana nenharo dzoupenzi dzisina musoro. Iwe unoziva kuti dzinomutsa gakava. 24Muranda waTenzi haafaniri kuva munhu wenharo asi kuva nomutsa kuvanhu vose ari mudzidzisi kwaye ano mwoyo murefu, 25anodzora vanorwisana naye nounyoro. Zvichida Mwari anovasvitsa pakutendeuka vakasvika pakuziva chokwadi 26vachigona kutopunyuka riva raDhiabhori ivo vambobatwa naye kuti vaite zvaanoda.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Timoti 2: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: