2 Timoti Zviri mutsamba yechipiri yaTimoti
Zviri mutsamba yechipiri yaTimoti
Tsamba yechipiri yaTimoti yakanyorwa naPauro ave pedyo nokufa kwake. Tsamba iyi yaiva yokukurudzira Timoti kuti achitosimba chaizvo mukurwisa zvikuru somusoja waKristu wakatendeka uye akashinga chaizvo. Kunyange tsamba iyi ichikurudzira Timoti kurwisa zvine simba ichiti, usanyare (1:8), ramba wakasimba (1:13), chengetedza zvinhu zvakanaka (1:14), takurawo chikamu chako chenhamo (2:3), vavarira kuva unogamuchirika pamberi paMwari (2:15), inotiwo siyana nenharo dzehwana huduku namagakava (2:22–23), chenjerera vamwe vanhu (4:14–15). Mutsamba iyi Shoko raMwari rinonzi ndiwo musimboti. Inokurudzira kuti munhamo dziripo iye zvino ashinge (1) uye ashingezve mune dzimwe dzichauya (2—3). Tsamba iyi inoti tora Pauro somuenzaniso wako muchitendero nomwoyo murefu norudo nokushinga nokutambudzirwa chitendero. Anopiwawo muenzaniso womusoja (2:3–4), nowomumhanyi (2:5) nowomurimi (2:6) uye womushandi (2:15) kana womudziyo womumba (2:20–21). Tsamba iyi ndeyokuudza mwana hupedzesera chaiyo, yomunhu ava kuda kufa.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yechipiri yaTimoti
Kusuma (1:1–2)
Zvipo zvakagamuchirwa naTimoti (1:3–18)
Murwi kwaye waKristu Jesu (2:1–13)
Mushandi waMwari chenjerera vadzidzisi venhema (2:14–26)
Mazuva okupedzisira (3:1–9)
Yambiro yokupedzisira (3:10—4:13)
Mashoko okuoneka (4:14–18)
Kwaziso yokupedzisa (4:19–22)
Zvasarudzwa nguva ino
2 Timoti Zviri mutsamba yechipiri yaTimoti: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: