Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 16

16
Pauro anoenda naTimoti naSirasi
1Pauro akasvika kuDhebhe nokuRisitira. Ikoko kwaiva nomumwe mudzidzi ainzi Timoti mwana womumwe mudzimai wechiJudha aiva mutendi, asi baba vake vaiva muGiriki. 2Vehama vokuRisitira nevokuIkoniumu vaitaura zvakanaka nezvake. 3Pauro aida kuti Timoti afambe pamwechete naye, nezvo akamutora akamudzingisa pamusana pavaJudha vakanga vari munzvimbo idzodzo nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. 4Pavaipfuura nomumaguta vaivaturira zvakanga zvasungwa navapositori navakuru vakuru vaiva kuJerusaremu kuti vatevedze. 5Naizvozvo masangano akasimbiswa muchitendero uye vatendi vaiwanda zuva nezuva.
Chiratidzo chakaonekwa naPauro paTiroasi
6Vakaenda nokunyika yeFirigia neGaratia pavakanga varambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko kuAsia. 7Pavakasvika pakatarisana neMisia, vakaedza kupinda muBhitinia asi Mweya waJesu haana kuvabvumira. 8Nezvo vakapfuura nepedyo peMisia vakadzika kuTiroasi. 9Usiku, Pauro akaona chiratidzo chomunhu wokuMasedhonia akamira achimuteterera achiti, “Uyai kuMasedhonia muzotibatsira.” 10Paakaona chiratidzo ichocho, takabva tarongedzera kuenda kuMasedhonia. Takanga taziva kuti Mwari akanga atidaidza kundoparidza Shoko Rakanaka kwavari.
Kupinduka kwaRidhia muguta reFiripi
11Takatangisa rwendo rwedu nechikepe kubva kuTiroasi tikananga kuSamotirasi chaiko. Ramangwana acho takaenda kuNeaporisi. 12Takabva ikoko tikaenda kuFiripi guta guru renyika yeMasedhonia, nyika yaiva pasi penyika yeRoma. Takagara muguta iroro kwamazuva. 13Pazuva reSabata, takaenda kunze kwesuo guru kumahombekombe erwizi kwataifunga kuti kunzvimbo yokunamatira. Takagara pasi tikataura namadzimai akanga aungana. 14Mumwe waavo vakatinzwa aiva mudzimai ainzi Ridhia weguta reTiatira aitengesa machira oruvara rwehute ainge ari munamati waMwari. Tenzi akazarura mwoyo wake kuti atirimuke mwoyo kune zvaitaurwa naPauro. 15Paakaombekwa pamwechete nemhuri yake, akatiteterera achiti, “Kana maona kuti ndakatendeka kuna Tenzi uyai kumba kwangu muzogara.” Takasvika pokutobvuma.
Pauro naSirasi vanoiswa mujeri kuFiripi
16Patakanga tichienda kunzvimbo yokunamatira takasangana nomumwe musikana muranda aiva nemweya wokuuka. Aipfumisa varidzi vake zvikuru nokuuka ikoko. 17Musikana uyu aitevera Pauro nesu achidaidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusorosoro vari kukuparidzai nzira yoruponeso.” 18Akaita izvi kwamazuva mazhinji. Pauro akashatirwa nazvo akatendeuka akati kumweya uya, “Ndinokuudza muzita raJesu Kristu kuti ubude maari.” Mweya uya wakabva wabuda pakarepo. 19Zvino varidzi vake pavakaona kuti chavaivimba nacho kuwana upfumi pakanga pasisina, vakabata Pauro naSirasi vakavakwekweredzera kuvatongi, kunzvimbo yaiungana vanhu veguta iroro. 20Pavakavaunza kuvatongi vakati: “Varume ava vaJudha uye vari kunyonganisa guta redu. 21Vari kukurudzira tsika dzisingagamuchiriki kana kuteverwa nesu vechiRoma.” 22Mhomho yavanhu yakabatana navo mukuvarwisa. Vatongi vaya vakabvarura hanzu dzavo vachidzibvisa pavari. Vakati ngavarohwe neshamhu.
23Pavakanga vavarova zvakanyanya, vakavaisa mujeri vachiti kune muchengeti wejeri anyatsovachengetedza kwazvo. 24Paakaudzwa izvi akavaisa mujeri romukatikati akavakachikira makumbo avo mumatanda.
Pauro naSirasi vanonunurwa mujeri zvinoshamisa
25Pokunge pava pakati pousiku Pauro naSirasi vainge vachinamata vachikumbira vachiimbira Mwari dzimbo, vasungwa vachivateerera. 26Pakarepo pakave nokundengendeka kukuru zvokuti ugaro hweJeri hwakazunguzika. Pakarepo makonhi ose akazaruka. Majoti omunhu oga oga akabva asungunuka. 27Muchengeti wejeri paakamuka akaona kuti makonhi ejeri akanga akazaruka akazvomora bakatwa rake avakuda kuzviuraya achifunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka. 28Asi Pauro akadaidzira nezwi guru achiti, “Usazvikuvadze zvako nokuti isu tose tiri muno.” 29Akadaidzira kuti kuuiwe nemwenje, ndokumhanyira mukati. Akandowira pamberi paPauro naSirasi achidedera nokutya. 30Akavabudisa akati, “Varume chii chandingaite kuti ndiponeswe?” 31Ivo vakati, “Tenda muna Tenzi Jesu uchaponeswa iwe nemhuri yako.” 32Vakataura kwaari Shoko raTenzi nokune vose vaiva mumba make. 33Akavatora panguva iyoyo yousiku akavashambidza maronda avo. Iye akabva aombekwa pakarepo pamwechete nemhuri yake yose. 34Akakwira navo kumba kwake akavapa chokudya akafara kwazvo nemba yake yose kuti akanga atenda kuna Mwari. 35Pakwakanga kwaedza vatongi vakatuma mapurisa vachiti, “Regai vanhu vaya vaende zvavo.” 36Muchengeti wapajeri akasvitsa shoko kuna Pauro achiti, “Vatongi vatuma shoko rokuti muende zvenyu.” Saizvozvo chibudai muende zvenyu norugare. 37Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pazere vanhu, tisina kubatwa nemhosva, isu pamutemo, tiri vaRoma vakatiisa mujeri. Zvino vanoda kutiburitsa muchivande here?” Kwete, ngavatouya ivo pachavo vazotiburitsa. 38Mapurisa akasvitsa shoko iri kuna vatongi. Vakatya pavakanzwa kuti, pamutemo vanhu ava vaiva vaRoma. 39Vakauya vakakumbira ruregerero. Vakavaburitsa vakavakumbira kuti vabve muguta iroro. 40Nokudaro vakabuda mujeri vakashanyira Ridhia. Pavakanga vaona vehama vakavakurudzira vakabva vaenda.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 16: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda