Mabasa 19
19
Pauro kuEfesusi
1Aporosi paakanga ari kuKorinde, Pauro akapfuura nokunyika yokumusoro akasvika kuEfesusi. Ikoko akawana vamwe vadzidzi. 2Akavati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakadavira?” Ivo vakati, “Kwete. Hatina kana kutombonzwa kuti kuna Mweya Mutsvene.” 3Akavati, “Ko zvino makaombekwa noruombeko rwupi?” Ivo vakati, “Noruombeko rwaJohani.” 4Pauro akati, “Johani aiombeka noruombeko rwokuti vanhu vapinduke achitaurira vanhu kuti vatende muno uyo akanga achauya mushure make achireva Jesu.” 5Pavakanzwa izvi vakaombekwa muzita raTenzi Jesu. 6Pauro paakaisa maoko ake pavari, Mweya Mutsvene akaburukira pavari. Vakataura nendimi vakaporofita. 7Pamwechete vakanga vari varume gumi navaviri. 8Aipota achipinda musinagogu; kwemwedzi mitatu aitaura asingatyi achidzidzisa zvokuti vabvume zvoumambo hwaMwari. 9Asi vamwe vakanga vakaomesa mwoyo vasingatendi vakatotaura zvakaipa nezvenzira iyi pamberi peruzhinji. Akabva mukati mavo akatora vadzidzi akadzidzisa pachikoro chaTiranosi zuva nezuva, 10izvi zvakaitika kwamakore maviri zvokuti vagari vose vokuAsia vakanzwa Shoko raTenzi, vaJudha navaGiriki.
Vanakomana vaSikevha vaidzinga mweya yakaipa
11Mwari akaita minana inoshamisa kwazvo namaoko aPauro 12zvokuti mahengechepfu kana maepuroni zvainge zvamboguma pamuviri pake zvaitorwa zvichiendwa nazvo kuvarwere. Matenda aibva, apera mweya yakaipa ichibva mavari. 13Kune vamwe vaJudha vaiva vadzingi vomweya yakaipa vakanga vasingagari panzvimbo imwechete, vakaedza kudoma zita raTenzi Jesu pane vakanga vane mweya yakaipa vachiti, “Ndinokudzinga naJesu anoparidzwa naPauro.” 14Kwaiva navanakomana vanomwe vomupristi mukuru ainzi Sikevha vaiita izvozvo. 15Asi mweya wakaipa wakapindura uchiti, “Jesu ndinomuziva naPauro ndinomuziva asi imi ndimi vana ani.” 16Munhu aiva nomweya wakaipa uya akavasvetukira akavakunda ndokuvakurira vose vari vaviri zvokuti vakatiza mumba imomo vasisina kupfeka uye vakuvara. 17Izvi zvakazivikanwa navagari vose vokuEfesusi, vose vaJudha navaGiriki. Vose vakawirwa nokutya. Zita raTenzi Jesu rikaremekedzwa. 18Vazhinji vaiva vatendi vakauya vachireurura nokuburitsa pachena zvavaiita. 19Chitsama chavanhu vaiita zvoun'anga vakaunganidza mabhuku avo vakaapisa pamberi pavanhu vose. Vakaverenga mutengo wawo ukaita zviuru makumi mashanu ezviuru zvemari yesirivha. 20Ipapo shoko raTenzi rakakura rikaenderera mberi nesimba.
V: RWENDO RWOKUPEDZISIRA RWAPAURO RWOKUPARIDZA MUUSUNGWA AKASUNGIRWA JESU
Mhirizhonga muEfesusi
21Mushure mezvizvi Pauro akafunga, achibatsirwa naMweya, kuti anofanira kupfuura nokuMasedhonia nokuAkaya achienda kuJerusaremu achiti, “Kana ndamboti garei ikoko ndinofanirawo kundoona Roma.” 22Mushure mokunge atumira kuMasedhonia vamwe vabatsiri vake vaviri, vanaTimoti naErasitusi iye pachake akambogara kuAsia chinguva.
23Panguva inenge iyoyo pakamuka nyonganyonga huru nezvenzira yechikristu. 24Mumwe murume ainzi Dhemetiriusi, mhizha yezvesirivha aiumba tuTemberi twesirivha tudikidiki twamwari Atemisi twaiwanisa mari yakawanda kune vaitwugadzira. 25Akaunganidza ivava pamwechete navamwe vebasa rakada kuita sairoro akati, “Varume imi munoziva kuti mubasa iri ndimo matinowana upfumi hwedu. 26Munozviona uye muri kuzvinzwa kuti kwete muEfesusi chete asi kutenge Asia yose, Pauro uyu ari kukurudzira nokutsautsa vanhu vane chitsama chakati kuti, achiti, ‘Vamwari vakaitwa namaoko havasi vamwari.’ 27Pane njodzi, kwete chete, yokuti shawo yedu iyi ichatorwa sechinhu pasina asi kutiwo Temberi yamwarikadzi mukuru Atemisi, ichava chinhu pasina uyewo achakoromorwa paukuru hwake, iye anonamatwa neAsia yose uye napasi pose.”
28Pavakazvinzwa vakashatirwa zvikuru vakazhamba vachiti, “Atemisi wava Efeso mukuru.” 29Nokudaro guta rakazara nenyonganyonga. Vakapitipidzana munhandare yemitambo vachikwekweredza Gaiusi naArisitakusi, vagari vokuMasedhonia vaifamba naPauro. 30Pauro akanga ava kuda kupinda mukati memhomho iya asi vadzidzi vakaramba. 31Uyewo vamwe vakuru vakuru vomuAsia vaiva shamwari dzake vakatuma shoko rokuti ngaarege kana kumboedza zvake kupinda munhandare yemitambo. 32Paiti ava vanodaidzira ichi vamwe vachidaidzirawo ichi nokuti gungano iroro rakanga rangova nyonganyonga. Vazhinji vavo vakanga vasingamboziva kuti vakanga vaunganira chii. 33Vamwe vemhomho iyoyo vakataurira Arekizanda zvokuita nokuti ndiye akanga aiswa mberi navaJudha. Arekizanda akabva aninira vanhu noruoko achida kuzvidavirira kumhomho iyoyo. 34Pavakaona kuti muJudha, vakaramba vachidaidzira kwamaawa maviri vachiti, “Dhayana wavaEfeso mukuru.”
35Munyori weguta paakanga anyararidza vanhu akati, “Nhaimi vanhu veEfesusi ndiani asingazivi kuti guta ravaEfesusi ndiro muchengeti wetemberi yaAtemisi mukuru mukuru uye muchengeti wedombo dzvene rakadonha mudenga? 36Zvamunoona kuti zvinhu izvi hazvina angarambe munofanira kunyarara murege kumhanyirira zvinhu. 37Mauya navanhu ava asi havasi vapambi veTemberi kana vanhu vanoshonha mwarikadzi wedu. 38Zvino kana Dhemetiriusi nedzimwe mhizha dzaanadzo vaine chavakatadzirwa nani zvake, matare ariko uye kuna magavhuna. Ngavakwirirane matare. 39Kana pane zvinopfuura izvozvi zvinotofanira kuenzaniswa nedare riri pamutemo. 40Tine njodzi yokupihwa mhosva yokumutsa manyongori nhasi nokuti hapana chikonzero chatinogona kupa chinonzwika chenyonganyonga iyi.” 41Paakapedza kutaura izvi akaparadza ngungano.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 19: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: