Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 24

24
Dare Rakaitwa kwaFerekisi
1Mushure memazuva mashanu, mupristi mukuru Ananiya akadzika navamwe vakuru vakuru nerimwe gweta rainzi Teturosi. Vakapira nyaya yavo kuna Gavhuna yokupomera Pauro. 2Paakadaidzwa, Teturosi akatangisa kumupa mhosva akati, “Changamire, vaFerekisi nenzira yokuti nokuda kwenyu tine rugare rukuru uye nokutichengeta kwenyu zvinhu zvizhinji zviri kunatsiridzwa kurudzi rwedu urwu. 3Nenzira dzose uye kose kose tinogamuchira izvi nokutenda kose. 4Asi kuti tirege kuramba tichikunonotsai ndinokukumbirai nomutsa wenyu kumbotiteererawo zvenyu muchidimbu. 5Takaona kuti munhu uyu mupesveri, anomutsa nyonganyonga pakati pavaJudha vose pasi pose uye inhungamiri yekaboka kavaNazarini. 6Akatomboedza kun'oresa Temberi asi takamubata.#24:6 Tingadai tamutonga maererano nomutemo wedu. 7 Asi mukuru mukuru Risiasi akauya nechisimba akamutora mumaoko medu 8 achiudza vanomupa mhosva kuti vauye pamberi penyu. 8Nokumuongororawo muchizvinzwirawo imi pachenyu muchaziva kwaari mhosva dzose dzatiri kumupa.” 9VaJudha vakatsigira kumupa mhosva vachiti ndizvo chaizvo.
Pauro anozvidavirira pamberi pedare raGavhuna Ferekisi
10Gavhuna paakamuninira kuti ataure, Pauro akapindura achiti, “Nokuziva kuti imi, kwamakore mazhinji manga muri mutongi werudzi urwu, ndinozvidzivirira ndichifara. 11Sezvinhu zvamungatotsvakawo, hakusati kwapera mazuva anopfuura gumi namaviri kubvira pandakaenda kundonamata kuJerusaremu. 12Havana kumbondiona ndichiitirana nharo naani zvake kana kunyandutsa mhomho yavanhu muTemberi kana mumasinagogu kana muguta. 13Uyewo havakwanisi kutaura zvingakugutsei kuratidza kuti zvavari kundipomera ndezvechokwadi. 14Asi izvi ndinobvuma pamuri, kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu ndichitevera nzira yekavari kuti kaboka. Ndinotenda zvose zvakatemwa nomutemo kana zvakanyorwa navaporofita. 15Ndine chitarisiro muna Mwari zvinobvumwa naivava kuti kuchava nokumuka kwavafi, vakarurama navakaipa. 16Saizvozvo ndinoedza kwazvo kuchengetedza hana yangu yakachena kuna Mwari nokuna vanhu.
17“Kwapera makore akati kuti, ndakauya kuzopa verudzi rwangu zvipo zvomwoyochena wavamwe nemipiro. 18Pandaiita izvi, vakandiwana muTemberi ndichipedzisa zvokuzvichenura, pasina chikwata chavanhu kana nyonganyonga. 19Asi vamwe vaJudha vanobva kuAsia, ivavo vaifanira kunge vari pano pamberi penyu vachikupirai mhosva dzacho dzavanondipomera kana vanadzo. 20Kana kuti varume vari pano ava pachavo, vataure kuti zvandakaita zvakaipa zvavakawana pandakamira pamberi pedare ndezvipi 21kusiya izvi zvandakadaidzira ndakamira mukati mavo zvokuti ndakati, ‘Ndiri kupinzirwa dare pamusoro pezvokumuka kwavakafa pamberi penyu nhasi uno.’ ”
Pauro ari musungwa kuSezaria
22Asi Ferekisi, munhu akanga achiziva zvinhu zvizhinji nezveNzira yechikristu, akamisa dare achiti, “Kana Risiasi, mukuru mukuru wamasoja adzika kuno ndipo pandichapedzisa nyaya yako.” 23Ipapo akaudza mutungamiri wezana kuti Pauro anofanira kuchengetedzwa ari muusungwa asi aine rusununguko rwakati kuti uye kuti hapana shamwari dzake dzinorambidzwa kumuwanisa zvinomubatsira kurarama.
24Mushure memazuva akati kuti, Ferekisi akauya nomudzimai wake, Dhurusira akanga ari muJudha. Akadaidza Pauro akamunzwa achitaura nezvechitendero muna Kristu Jesu. 25Pauro paairondedzera nezvoruenzaniso nezvokuzvibata nezvokutongwa kuchauya, Ferekisi zvakamutyisa akati parizvino chimboenda zvako kana ndawana nguva ndichazokudaidza. 26Panguva imwecheteyo aitarisira kupiwa pfumbamuromo naPauro, saka aimudaidza kakawanda achitaura naye.
27Kuzoti makore maviri apera Ferekisi akatsiviwa naPokiusi Fesitusi. Pamusana pokuda kufadza vaJudha Ferekisi akasiya Pauro ari mujeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 24: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda