Mabasa 27
27
Pauro anoenda nechikepe kuRoma
1Pazvakanga zvarongwa kuti tinofanira kuenda kuItari nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa mumaoko aJuriasi aiva mutungamiriri wezana wechikwata chamasoja chokwaAgasitosi. 2Takakwira chikepe chokuAdhiramitimu chakanga chava kuda kuenda kumaguta okumahombekombe eAsia. Takatangisa kufamba nechikepe tichiperekedzwa naAristakusi mugari wokuMasedhonia aibva kuTesaronika. 3Pazuva rakatevera takandomisa chikepe paSidhoni. Juriasi akabata Pauro zvakanaka. Akamupa mvumo yokuenda kushamwari dzake kuti dzimuwanise zvokurarama nazvo. 4Takabvapo tikaenda tiri kurutivi runoenda mhepo rweSaipurasi nokuti mhepo yanga yakatarisana nesu. 5Patakanga tadimura gungwa riri parutivi peSirisia nePamupfuria takasvika kuMira muRisia. 6Ikoko mutungamiri wezana akawana chikepe chokuArekizandiria chaienda kuItari akatikwidza machiri. 7Takafamba nechikepe zvishoma nezvishoma mazuva akati kuti tikasvika, kuKinidhosi zvokutovavarira. Mhepo zvaisina kutibvumira kuenderera mberi, takatofamba tiri kunoenda mhepo kweKiriti tiri pedyo neSarimoni. 8Takafamba pedyo namahombekombe ayo zvokutovavarira. Takazosvika kune imwe nzvimbo inonzi Maturiroakanaka iri padyo neguta rinonzi Rasea.
Dutu mugungwa
9Sezvatakanga tarasikirwa nenguva yakawanda uye rwendo zvarwakanga ruine njodzi uye nokuti nguva yokutsanya yakanga yapfuura, Pauro akavapa zano achiti, 10“Madzichangamire, ndirikuona kuti rwendo rwedu ruchava nokukuvara uye nokurasikirwa kukuru kwete nenhumbi nechikepe chete asiwo noupenyu hwedu.” 11Asi mutungamiriri wezana akateerera kune zvemutungamiriri wechikepe nomuridzi wechikepe kupinda zvaitaurwa naPauro. 12Pamusanawo pokuti panomirira zvikepe pakanga pasingaiti kupedzera nguva yechando varipo, ruzhinji rwakasarudza kuti vabvepo vaende, vachiti zvimwe, vangadaro vakakwanisa kusvika kuFonikisi, nzvimbo inomirwa nezvikepe zveKiriti yakatarisa kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva uye kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kuti tigopedzera nguva yechando tiriko. 13Pakafefetera kamhepo kanobva kumaodzanyemba vakafunga kuti vawana zvavakanga vachida vakasimudza zvinorema zvokumisisa chikepe vakafambisa chikepe vachitevedza Kiriti vari pedyo namahombekombe. 14Asi pakarepo dutu rinonzi mhepo yokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva yakarova ichidzika ichibva nokuKiriti ikoko. 15Chikepe chakahwetsurwa chikatadza kukunda mhepo tikabva tangoregerawo zvakadaro ndokubva tavakungoendeswa. 16Takamhanya tiri kwakadzivirwa mhepo nakatsuwa kanonzi Kaudha.#27:16 Kaudha: Vamwe vanoti Kiraudha. Takakwanisa kusungirira igwa zviri zvokutovavarira kwazvo. 17Vakarikakatira mukati. Vakaita kuti chikepe chinyatsosimba nokusungirira tambo napasi pacho. Pamusana pokutya kuti vangangopinda mujecha ramahombekombe eSiritisi vakaderedza zvinofambisa chikepe, ndokungosundwa zvachowo. 18Nenzira yokuti takanga tichitomhotswa–tomhotswa zvinotyisa ramangwana acho vakatangisa kukanda zvinhu panze. 19Pazuva retatu vakakanda panze namaoko avo, zvimwe zvokushandisa pakufambisa chikepe. 20Kuzoti kwaita mazuva akawanda pasingambooneka zuva kana nyenyedzi, iro dutu richitivhuvhuta zvakaomarara takanga tangobatira ura mumaoko tongoti ndiko kwavakupera uku.
21Sezvo vakanga vagara kwenguva ndefu vasina chokudya Pauro akauya mberi pakati pavo akati, “Varume mungadai makanditeerera makarega kubva kuKiriti uye mungadai musina kupinda mukukuvara uku nokurasikirwa uku. 22Ndinokukurudzirai kuti tsungai mwoyo nokuti hapana achafa pakati penyu kusiya kurasikirwa nechikepe, 23nokuti ihwo husiku hwanhasi uhu mutumwa waMwari wangu wandinonamata 24akamira pedyo neni akati, ‘Usatye Pauro, unofanira kundomira pamberi paSiza. Chinzwa Mwari akupa vose vauri kufamba navo nechikepe.’ 25Naizvozvo tsungai mwoyo varume nokuti ndine chivimbo muna Mwari chokuti zvichangoitika sezvandaudzwa. 26Asi tichanonzi njo pane chimwe chitsuwa.”
27Kuzoti hwava usiku hwegumi nehwechina pataive tichingonzi suku nasai mugungwa reAdhiria pavakunge pakati pousiku vafambisi vechikepe vakafungidzira kuti vava kusvika kumahombekombe. 28Vakaera namaungira vakaona mvura iri mamita makumi matatu namanomwe. Vangoti endei pamberi zvishomanana vakaerazve namaungira vakaona kuti yakanga yava mamita makumi maviri ana manomwe. 29Pamusana pokutya kuti tingangoroverere pamabwe vakaburitsa zvimwe zvinorema zvokumisisa chikepe zvina necheshure kwechikepe vachinamata kuti dai kwangoedza. 30Vafambisi vechikepe pavaiedza kutsvaga nzira dzokutiza nadzo muchikepe, vatodzikisa igwa mugungwa nechemberi kwechikepe vachiita sokunge vari kudzikisa zvinorema zviya zvokumisisa nazvo chikepe, 31Pauro akati kumutungamiri wezana nokumasoja, “Varume ava vakarega kuramba vari muchikepe hamumbopona.” 32Masoja akadimbura tambo dzegwa vakarirega richienda zvaro.
33Mambakwedza, Pauro akavakurudzira vose kuti vadye achiti, “Nhasi izuva regumi nechina makabatira ura mumaoko musina chokudya pasina chamadya. 34Nokudaro ndinokukumbirisai kuti mudye. Zvichakupai simba nokuti hapana noruvhudzi rwomusoro waani naani zvake wenyu ruchatsakatika.” 35Paakanga ataura izvi akatora chingwa ndokutenda kuna Mwari pamberi pavo vose akachimedura akatangisa kudya. 36Vakabva vakurudzirwa vose vakadya chokudya. 37Takanga tiri mazana maviri anamakumi manomwe ana vanhu vatanhatu. 38Pavakanga vaguta vakarerutsa chikepe nokutokanda koroni mugungwa.
Kuparara kwechikepe
39Zvino kwakati kwaedza havana kugona kuziva kuti inyika ipi asi vakaona nzvimbo yaigona kumira chikepe yaiva nejecha pamahombekombe pavakafunga kundosvitsa chikepe kumahombekombe ikoko. 40Naizvozvo vakadimbura zvinorema zvokumisa chikepe nazvo zviya, vakazvisiya mugungwa vachibva vasunungurawo tambo dzakanga dzakasunga zvokunangisa nazvo chikepe. Vakabva vasimudza machira echikepe epamberi akadziva kunobva mhepo. Vakabva vananga kunzvimbo yaigona kumira chikepe kuya. 41Vakaroverera chikepe pachiturunhuru chejecha pasi pegungwa ndokubva chikepe chati pfe mujecha ndiye mbetete chisisakwanisi kuzunguzika. Besu rechikepe rikabva ratyorwa tyorwa namasaisai. 42Pfungwa yamasoja yakanga yava yokuti vauraye vasungwa vose kuti varege kushambira vagotiza nokupunyuka. 43Asi mutungamiri wezana, pamusana pokuda kuponesa Pauro, akarambidza kuita zvavainge vafunga. Akati avo vanokwanisa kushambira vatange ndivo kusvetukira panze vagoshambira vachienda kunyika. 44Vamwe vose vozoendawo, vamwe vakabatirira pamapuranga kana pane zvimwe zvidimbu zvechikepe. Nenzira iyoyi vose vakasvika pamahombekombe zvakanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 27: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: