Mabasa 4
4
Pita naJohani vakagadzwa dare mudare guru ravaJudha
1Pavaitaura kuvanhu vapristi nomukuru mukuru wapaTemberi navaSadhusei vakauya pavari. 2Vakanga vatsamwiswa nokuti mukudzidzisa nokuparidza zvaJesu vaidzidzisa vanhu vachivaparidza zvokumuka kwavakafa. 3Vakavabata vakavaisa mujeri kusvikira mangwana acho nokuti akanga atova mauro. 4Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda. Huwandu hwavarume hwaiita zviuru zvinenge zvishanu.
5Ava mangwana acho vatongi vavo navakuru vakuru navanyori vakanga vakaungana muJerusaremu 6naAnasi, mupristi mukuru naKaifasi naJohani naArekizanda navose vokumba yomupristi mukuru. 7Pavakavaisa pakati vakavabvunza kuti makaita izvi nesimba raani uye nezita raani.
8Zvino Pita, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vatongi vavanhu navakuru vakuru 9kana tiri kugadzirwa dare nhasi uno basa rakanaka rakaitwa kumhetamakumbo iyi kuti munhu uyu akarapwa sei, 10ngazvizivikanwe kwamuri mose uye kuvanhu vose veIsiraeri kuti nezita raJesu Kristu weNazareti wamakarovera pamuchinjikwa akamutswa naMwari kuvakafa pamusana pake munhu uyu amire pamberi penyu akasimba. 11Iri ndiro dombo rakarambwa nemi vavaki asi rava dombo guru rapakona. 12Hakuna mumwezve munhu anogona kuponesa nokuti hakuna rimwezve zita pasi pose rakatumidzwa munhu pakati pavanhu ratinofanira kuponeswa naro.”
13Pavakaona chivindi chaPita naJohani uye vachiona kuti vanhu vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakashamiswa. Vakazviona kuti vakambenge vaina Jesu. 14Asi zvavaiona munhu uya akanga aponeswa akamira padyo navo hapana chavakagona kutaura. 15Pavakavati vambobva mudare, vakakurukurirana vachiti, 16“Toita sei navanhu ava nokuti zvokuti chiratidzo chinonyatsoonekwa chaitwa nemavari zviri pachena kuna vagari vose vomuJerusaremu uye hatikwanisi kuzviramba. 17Asi kuti zvirege kupararira pakati pavanhu ngativayambirei kuti vasambotaurazve kuna ani nani zvake nezita irori.” 18Nezvo vakavadaidza vakavakomekedza kuti vasambotaura zvavo kana kudzidzisa zvako muzita raJesu. 19Asi Pita naJohani vakavapindura vachiti, “Chimbopafungaiwo zvenyu kuti zvingaite here, pamberi paMwari, kuteerera imi panokuteerera Mwari. 20Isu hatigoni kurega kutaura zvatakaona nezvatakanzwa.” 21Pavakawedzera kuvayambira vakavarega vachienda vashaya pokuvaranga napo pamusana pavanhu nokuti vanhu vose vairumbidza Mwari nezvakanga zvaitika. 22Chikonzero ndechokuti munhu akaitirwa chiratidzo ichi chokuponeswa akanga ava namakore anopfuura makumi mana.
Munamato wavapositori panguva yokutambudzirwa chitendero
23Pavakaregedzwa vakaenda kushamwari dzavo vakavarondedzera zvavakanga vataurirwa navapristi navakuru vakuru. 24Pavakazvinzwa vakadaidzira pamwechete kuna Mwari vachiti, “Tenzi imi makasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo imi naMweya Mutsvene mukati 25nomuromo watateguru wedu Dhavhidhi muranda wenyu,
“ ‘Ko ivo vechirudzi vanoitireiko bopoto,
marudzi avanhu vachiita bangano
risina maturo.
26Madzimambo apasi pose vachinyatsorongana,
vatongi vachitoitira Tenzi
nomuzodzwa wake bangano.’
27“Icho chiri chokwadiwo Herodhi naPontio Pirato nevechirudzi navaIsiraeri vakaungana muguta rino vachirwisa muranda wenyu Mutsvene Jesu wamakazodza 28kuti zvamakafanoronga nesimba roruoko rwenyu nourongwa hwenyu zviitike. 29Zvino, Tenzi chitarisai kutyisidzira kwavo, mupe kuti varanda venyu vataure shoko renyu nechivindi chaicho 30imi makasimudza ruoko rwenyu kuti rurape uye muitewo kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita romuranda wenyu mutsvene, Jesu.”
31Pavakapedza kunamata nzvimbo yavakanga vakaungana yakandengendeka vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakataura izwi raMwari nechivindi.
Kudana nokudyidzana kwakanaka kwavatendi
32Chikwata chevaitenda vaya vakanga vaine mwoyo mumwechete uye hapana aiti chake ndechake. Zvinhu zvavo zvaiva zvavo vose. 33Vapositori vakapupurira zvokumuka kwaTenzi Jesu nesimba guru, uye nyasha huru dzaiva pavari vose. 34Pakati pavo pakanga pasina ane chaaishaya nokuti avo vainge vaine minda kana dzimba dzavo vaizvitengesa 35vachiuya nemari yacho vachizoiisa mumaoko avapositori zvichizogoverwa kuvanhu maererano nezvaidiwa nomunhu. 36Saizvozvo Josefi akanga atumidzwa navapositori zita rokuti, Bhanabhasi (zvinoreva kuti, “Mukurudziri”) muRevhi, 37mugari wenyika yeSaipurasi akatengesa munda wake akauya nemari yacho akaiisa mumaoko avapositori.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 4: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: