Dhanieri Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku raDhanieri rakapiwa zita romunhu anonyanya kutaurwa nezvake mubhuku irori anonzi Dhanieri, zita rinoreva kuti, “Mwari ndiye mutongi wangu.” Bhuku iri rinogona kuiswa muzvikamu zvikuru zviviri. Chidimbu chokutanga chinotaura nezvaDhanieri neshamwari dzake vari kuBhabhironi kwavakaendeswa kuutapwa (1–6). Chechipiri chacho chinotaura nezvezviratidzo zvakaoneswa Dhanieri zvakanangana namadzimambo aizouya achitonga panyika uye achitonga kana kutambudza vaIsiraeri (7–12). Nyaya dzose dzinotaurwa muna Dhanieri, muchidimbu chokutanga nechechipiri uyewo zvinoreva zita raDhanieri zvinodzidzisa kuti vanamati vaMwari vanofanira kuramba vakati kwatikwati naMwari sei ivo vari pasi pavatongi vechirudzi vasinei naMwari.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raDhanieri
Dhanieri neshamwari dzake kuBhabhironi (1:1—6:28)
Zvakaratidzwa Dhanieri (7:1—12:13)
a) Zvikara zvina (7:1–28)
b) Hondohwe nechikotora (8:1–27)
c) Masvondo manomwe (9:1–27)
d) Mutumwa wokudenga (10:1—11:45)
e) Nguva yokugumisira (12:1–13)
Zvasarudzwa nguva ino
Dhanieri Zviri mubhuku rino: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Dhanieri Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku raDhanieri rakapiwa zita romunhu anonyanya kutaurwa nezvake mubhuku irori anonzi Dhanieri, zita rinoreva kuti, “Mwari ndiye mutongi wangu.” Bhuku iri rinogona kuiswa muzvikamu zvikuru zviviri. Chidimbu chokutanga chinotaura nezvaDhanieri neshamwari dzake vari kuBhabhironi kwavakaendeswa kuutapwa (1–6). Chechipiri chacho chinotaura nezvezviratidzo zvakaoneswa Dhanieri zvakanangana namadzimambo aizouya achitonga panyika uye achitonga kana kutambudza vaIsiraeri (7–12). Nyaya dzose dzinotaurwa muna Dhanieri, muchidimbu chokutanga nechechipiri uyewo zvinoreva zita raDhanieri zvinodzidzisa kuti vanamati vaMwari vanofanira kuramba vakati kwatikwati naMwari sei ivo vari pasi pavatongi vechirudzi vasinei naMwari.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raDhanieri
Dhanieri neshamwari dzake kuBhabhironi (1:1—6:28)
Zvakaratidzwa Dhanieri (7:1—12:13)
a) Zvikara zvina (7:1–28)
b) Hondohwe nechikotora (8:1–27)
c) Masvondo manomwe (9:1–27)
d) Mutumwa wokudenga (10:1—11:45)
e) Nguva yokugumisira (12:1–13)
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fen.png&w=128&q=75)