Kutsinhira Mutemo 17
17
1“Usape Tenzi Mwari wako chibayiro chemombe kana chehwai ine chimwe chinoshoreka pairi kana ine chimwe chakaremara nokuti zvakadaro izvo zvinhu zvisingambodiwa naTenzi Mwari wako.
2“Zvingaitike kuti unganzwe kuti pakati penyu, mune rimwe guta renyu ramuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu mune mumwe murume kana mukadzi anoita chinhu chakaipa pana Tenzi Mwari wenyu 3achityora chitenderano chaMwari. Munhu iyeyo akandoshandira vamwe vamwari achivapfugamira zvandisina kumboti muite, vamwari vacho vangava zuva kana mwedzi kana nyenyedzi dzegwara ravatonga, 4kana zvabuda pachena, wazvinzwa, nyatsozvitsvakiridzawo ukachiona chiri chokwadi chaichoicho kuti chinhu chakaipa chikadai chakaitika muIsiraeri, murume kana mukadzi iyeyo akaita chinhu chakaipa chikadai ngaaendwe naye kusuo renyu guru. 5Murume kana mukadzi iyeyo akaita chinhu chakaipa chikadai ngaaendwe naye kusuo renyu guru. Murume wacho kana mukadzi wacho ngaatemwe namatombo afe. 6Munhu anenge achifanira kufa angaurayiwe chete kana paine umboo hwezvapupu zviviri kana zvitatu. Munhu haaurayiwe kana pachingova nechapupu chimwechete. 7Zvapupu, namaoko azvo, ndizvo zvinotanga kumutema pakumuuraya, kwozoteverawo vamwe vose. Naizvozvo munobva maita kuti huipi hwakadai hupere pakati penyu.
8“Mumaguta enyu mungangoparwa mhosva pakati penyu dzamunenge musingakwanisi kunyatsopatsanura, ingave mhosva yokuti akaponda munhu here kana kuti akamuuraya mukusaziva, kana kuti imwe mhosva inodarika mutemo uyu kana uyu, kana kuti kukuvadzwa kwakaitwa munhu kwakaitwa sei, kana kuti ndiani ane mhosva kana asina, pakadaro endai kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wenyu 9kuvapristi, vechiRevhi nokumutongi anenge ariko mazuva iwayo, muvasumire nyaya iyoyo vachatema chirango kana kukutaurirai kuti pane mhosva here kana kuti hapana. 10Zvose zvinotemwa kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wenyu munosungirwa kuzviita nomazvo. Munyatsoita zvose zvavanenge vakutaurirai nomazvo. 11Tevedzai zvavanokurongerai nomazvo, muite zvavanenge vati muite musingatsaudzire moita zvomusoro wenyu. 12Munhu anenge azvitutumadza asingateerere mupristi anenge ari ipapo pabasa raTenzi Mwari wako kana kuteerera mutongi, munhu iyeyo ngaafe naizvozvo unobva wabvisa huipi hwakadai muIsiraeri. 13Vanhu vose vachazvinzwa vakatya vakarega kuzozvitutumadzazve.
Zvinonangana namadziMambo
14“Kana uchinge wazosvika munyika yaunopiwa naTenzi Mwari wako waitora wagarikana ukazoti, ‘Regai tichigadza mambo wedu anotitonga sezvakaita mamwe marudzi ari munharaunda yedu,’ 15gadzai zvenyu umambo munhu anenge asarudzwa naTenzi Mwari wako. Gadzai umambo munhu worudzi rwenyu. Musagadze mutorwa, munhu asiri worudzi rwenyu kuti akutongei. 16Asi chete ngaarege kuwanza mabhiza ake, kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kundotsvaka mamwe mabhiza okuwedzera sezvo Tenzi akakutii, ‘Musazodzokerazve nokwakareko.’ 17Ngaarege kuva navakadzi vazhinji nokuti vangazomurasisa. Ngaarege kuita matutu matutu emari yesirivha kana ndarama. 18Paanenge agadzwa umambo munyika yake, ngaazvinyorere bhuku romutemo kubva mubhuku rawo rinochengetwa navapristi vechiRevhi, 19agare naro, ariverenge mazuva ose oupenyu hwake. Ndizvo zvinozoita kuti adzidze kutya Tenzi Mwari wake, achengete zvinorehwa nomutemo uyu nemirao iyi azviite. 20Saka haazozvikudza pakati pehama dzake, otsauka pamutemo oita zvomusoro wake. Saizvozvo anozogara upenyu hwakareba munyika yaanotonga, iye navana vake, muIsiraeri.
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 17: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: