Muparidzi 6
6
Ungwaru noupenzi
1Panechimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga chinoremera vanhu kwazvo. 2Munhu anopiwa naMwari upfumi nepfuma noukuru zvokuti haana chaanenge achida chaanoshaya asi Mwari orega kumupa simba rokuti afadzwe nazvo asi mutorwa ndiye wofadzwa zvake nazvo. Izvi hazvinzwisisiki uye chinhu chinorwadza.
3Munhu anogona kuva nevana zana agogara makore mazhinji zvokuti anova namakore mazhinji iye asingawani rufaro mune zvinhu zvakanaka zvoupenyu uye asingavigwe kana azofa. Ini ndinoti mwana aberekwa nguva yake yokuberekwa isati yasvika ari nani kupinda iye. 4Kuuya kwake hakunzwisisiki, anopinda murima, zita rake richibva rakwidibirwa nerima. 5Chimwezve ndechokuti haana kuona zuva, kana kumboziva chinhu asi uyu anowana zororo kupinda iye. 6Kunyangwe akagara chiuru chamakore chakapetwa kaviri iye asingawani rufaro mune zvinhu zvakanaka, handiti vanhu vose vanoenda kunzvimbo imwecheteyo?
7Kushingaira nebasa kunoita munhu, anenge achishandira muromo asi havi yokuda kudya haiperi. 8Ko munhu ane ungwaru chii chaanokunda nacho benzi uyewo murombo anowanei nokuziva kwake kuzvibata pane vanhu?
9Chinhu chauri kuona neziso
chiri nani pane chauri kusuwira
izvozviwo hazvinzwisisiki.
Kunongova kudzingirira mhepo.
10Chinhu chipi nechipi chakambovapo
chikatotumidzwa zita
munhu anozivikanwa kuti chii
uye haakwanisi kukwidzana dare
neane simba kupinda iye.
11Panowanda zvinotaurwa,
zvisinganzwisisiki zvinowandawo
chazvinobatsira munhu chii?
12Ndiani angazive zvinganakire munhu paupenyu hwake
hupfupi husina pahwo hunopfuura somumvuri.
Ndiani angakwanise kutaurira munhu zvichazoitika
mushure pasi pedenga.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 6: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: