Kubuda 5
5
Mosesi naAroni vanopira nyaya yavo kuna Farao
1Mosesi naAroni vakazoenda kuna Farao vakapira nyaya yavo vachiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari vavaIsiraeri, regai vanhu vangu vaende kurenje kundondiitira mabiko.”
2Asi Farao akati, “Ko Tenzi iyeyo ndiani chaizvoizvo wandinganzi ini nditeerere, ndigorega vaIsiraeri vachienda? Tenzi wacho handimuzivi. Saka ini handibvumirewo vaIsiraeri kuenda.”
3Ivowo vakapindura vachiti, “Mwari wevaHebheru akasangana nesu. Dai mukatirega zvenyu tifambe rwendo rwamazuva matatu tichienda kurenje tindopira Tenzi, Mwari wedu mipiro. Kana tikarega kuzviita angatiuraye nedenda kana kutiparadza nehondo.”
4Mambo weIjipiti akati, “Ko iwe Mosesi newe Aroni, imhaka yei muchifurira vaIsiraeri kuti varege kuita basa ravo? Imi dzokerai kubasa.” 5Farao akati, “Imi muri kuona kuti iye zvino vanhu vechirudzi mawanda muno ndopamava kutoda zvenyu kutadzisa vanhu kuita basa.”
6Musi iwoyo Farao akaudza vaIjipiti vaishandisa vaIsiraeri basa, navamwe vaIsiraeri vaitungamirira vamwe pabasa achiti, 7“Chiregai kunge muchapa vanhu ava mashanga okukanyisa zvidhina sezvamanga muchiita. Varegei vazvitsvakire mashanga voga. 8Asi mugwazo wezvidhina wavakatemerwa ngaurambe wakadaro, musautapudze kunyange napaduku pose. Vanhu ava itsimbe, ndokusaka vachichema vachiti, ‘Regai tiende kundopira Mwari wedu zvibayiro.’ 9Remedzai vanhu ava nebasa kuti vaite basa varege kuteerera zvokunyepa izvo.”
10VaIjipiti vaya vaishandisa vaIsiraeri basa pamwechete navamwe vaIsiraeri vaitungamirira vamwe pabasa vakandotaurira vaIsiraeri kuti, “Zvanzi naFarao, ‘Handichakupai mashanga. 11Endai mundozvitsvakira moga chero kupi zvako kwamungaawanire. Asi mugwazo wenyu uchangoramba wakadaro.’ ” 12Saizvozvo vaIsiraeri vakaita fararira nenyika yose yeIjipiti vachitsvaka zvidzitsi zvamashanga muminda. 13Vaya vaishandisa vaIsiraeri vakaramba vachivaomesera vachiti, “Pedzai mugwazo wenyu wezuva roga roga sezvamaingoita muchapiwa mashanga.” 14VaIjipiti vaya vaishandisa vaIsiraeri vakarova vaIsiraeri vaye vakanga vasarudzwa kutungamirira vamwe pabasa vachiti, “Chii chakutadzisai kupedza mugwazo wenyu wezvidhina wanhasi sezvamaimboita?”
15VaIsiraeri ava vaitungamirira vamwe pabasa vakandochema kuna Farao vachiti, “Changamire, ko matifungira zvipiko? 16Isu varanda venyu hatichapiwi mashanga, asi kunyange zvakadaro, tinongonzi, ‘Kanyai zvidhina!’ Chionaika kuti tiri kurohwa isu, asi mhosva iri yavanhu venyu.”
17Mambo akati, “Muri nyope chaidzo, tsimbe dzavanhu. Ho-o-o, ndosaka muchiti, ‘Regai tiende tindopira zvibayiro kuna Tenzi nhai.’ 18Chibvai pano! Dzokerai kubasa! Mashanga hamupiwe! Mugwazo wezvidhina wamakapiwa unofanira kupera.” 19VaIsiraeri ava vokutungamirira vamwe pabasa, vakaona kuti vatova munjodzi huru pavakanzi, “Mugwazo wenyu wezvidhina wamazuva ose hauzotapudzwa.”
20Pakarepo vakasangana naMosesi naAroni vakanga vakavamirira kuti vaonane navo pakubuda kwavo vachibva pana Farao. 21Vakavati, “Tenzi ngaakuonei, aone zvaangaite nemi nokuti imi mazotivengesa kwazvo naFarao namakurukota ake. Makaisa bakatwa mumaoko avo kuti vatiuraye zvavo naro.”
Mosesi akanyunyutira Tenzi
22Mosesi akaendazve kuna Tenzi akandoti, “Nhai Tenzi, ko makaitira vanhu venyu zvakaipa zvikadai nemhosva yeiko? Ko zvino makanditumireiko kuno? 23Tarisai muone kubvira pamusi wandakaenda kuna Farao kundomuudza zvamakareva, Farao akabva atangawo kuitira vanhu venyu utsinye. Asi imi hamuna zvenyu kana kumbonunura vanhu venyu.”
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 5: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: