Ezira 6
6
Chirevo chakanyorwa naMambo Sairosi chakawanikwa
1Mambo Dhariusi akabva azopawo chirevo, kukatsvakwa muBhabhironi mumba mokuchengetera zvinyorwa macho makanga machengeterwa zvinyorwa izvozvo. 2Zvakazowanika muEkibhatana guta guru renyika yeMedhia bhuku rokumunonora pakanga pakanyorwa kunzi,
“Chiyeuchidzo!
3Mugore rechiposhi rokutonga kwamambo Sairosi
akatema chirevo chakanangana nezvemba yaMwari
iri kuJerusaremu.
Imba iyoyo ngaivakwe zvakare,
nzvimbo yokupirira zvibayiro kuna Mwari
kunounzwawo mipiro yokupisa.
Kureba kuenda mudenga
makumi maviri amamita anamamita manomwe,
kufara kwayo kuchiita mamita makumi maviri
anamamita manomwe.
4Inofanira kuva nemitsara inoravana ichiti
mitsara mitatu yamabwe makuru yoteverwa
nomutsara mumwechete wamapango.
Mari inodiwa ikoko
inofanira kubva munochengeterwa upfumi hwamambo.
5Pamusoro paizvozvo
midziyo yendarama neyesirivha yomumba maMwari
iya yakambotorwa naNebhukadhineza muTemberi iri kuJerusaremu
ikaendeswa kuBhabhironi
inofanira kudzoserwa iendeswe kwakare kutemberi
iri Jerusaremu mumwe nomumwe
panzvimbo pawaiva muirongedze mumba yaMwari imomo.”
Chirevo chaMambo Dhariusi chokuti basa rienderere mberi
6“Zvino imi vana Tatenai,
zisadunhu renyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi
naShetaribhozenai navamwe venyu
masadunhu echikwata chenyu muri kunyika iri Mhiri
kweRwizi rwaYufuratesi,
siyanai nazvo.
7Zvebasa remba yaMwari izvo siyanai nazvo.
Regai sadunhu wavaJudha
navakuru vakuru vavaJudha vavake zvakare
imba yaMwari payaiva.
8Chimwe ndechokuti
ndatotema chirevo chezvinofanira
kuitirwa vakuru vakuru vavaJudha
maererano nokuvakwazve kwemba yaMwari
chokuti mari yacho inodiwapo
inofanira kubhadharwa varume ivava yose zvayo yakadaro
pasina zvokunonoka ichibva
kumari yokwamambo pamutero
wenyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi.
9Chose zvacho chinenge chichizodiwa
sezvakaita handira dzichiri duku
nehondohwe kana hwai dzemipiro
yokupisira Mwari Wedenga
kunyange koroni nomunyu newaini
kana mafuta eorivhi,
zvichadiwa zvacho navapristi kuJerusaremu;
izvozvi izvi vanofanira kuti vapiwe
zuva nezuva pasina zvokukundikana,
10kuitira kuti vapire zvibayiro
zvinofadza Mwari Wedenga,
vagonamatirawo upenyu hwamambo nohwevana vake.
11Ndatotemazve chimwe chirevo chokuti:
Kuwana anongosandura chirevo ichochi, pamba pake
ngapavhomorwe bango apaikirwe pariri,
imba yake iitwe murwi wamarara.
12Iye Mwari akaita kuti zita rake
riiswe ipapo ngaaparadze mambo kana vanhu vanenge vane
chavangaite kusandura izvi kana kuparadza
imba yaMwari iri muJerusaremu.
Izvozvi ngazvinyatsoitwa nomazvo chaimo.
Chirevo ichochi chatemwa neni.
Ndini Dhariusi.”
Kuteketererwa kweTemberi kuna Mwari
13Tatenai zisadunhu renyika dzokuMhiri kwoRwizi rwaYufuratesi naShetari Bhozenai nevechikwata chavo vakanyatsoita naimomo chaimo makarehwa neshoko rakatumirwa naDhariusi. 14Izvozvo vakuru vakuru vevaJudha vainge vachivaka zvavo zvichibudirira nokuporofita kwomuporofita Hagai naZekariya mwanakomana waIdho. Vakapedza kuvaka imba yavo sezvakanga zvanzi zviitwe naMwari weIsiraeri uye maererano nechirevo chaSairosi naDhariusi naAtakizesesi mambo wePezhiya. 15Imba iyoyi yakapedzeswa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, muri mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariusi. 16Vanhu veIsiraeri, vapristi nevaRevhi navamwe vose vokudzoka kuutapwa, vakaita zuva guru rokuteketerera kuna Mwari imba yaMwari iyi vachipembera kufara. 17Pakuteketerera imba yaMwari uku vakapira zana rehandira nehondohwe mazana maviri uye hwayana mazana mana pamwechete nomupiro wokupfupira zvitadzo zveIsiraeri yose zvayo wamakotora gumi namaviri zvichienderanawo nouwandu hwamadzinza avaIsiraeri. 18Vakabvawo varonga vapristi muzvikwata zvavo, vaRevhiwo namajana kuitira basa raMwari muJerusaremu sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku raMosesi.
Vokudzoka vaye vokumbotamisirwa kusiri kwavo vanochengeta Pasika
19Pazuva regumi nechina romwedzi wokutanga, vokudzoka vaye vokumbenge vatamiswa vachiendeswa kusiri kwavo vakachengeta Pasika 20nokuti vapristi navaRevhi pamwechete vakanga vazvinatsa vose vava vanhu vakazvichenura. Saka vakazviurayira ivo pachavo hwayana yePasika navaye vokudzoka vaya vokumbotamisirwa kusi kwavo nevamwe vavo vapristi. 21Yakadyiwa navanhu vechiIsiraeri vakanga vadzoka kwavakanga vatamisirwa kusi kwavo pamwechete nomunhu wose akanga abatanawo navo achizvitsaura mune zvakan'ora zvavanhu vechirudzi vomunyika imomu kuitira kuti vazotsvaka Tenzi, Mwari weIsiraeri. 22Vakachengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe vachifara nokuti Tenzi akanga avafadza kwazvo aitawo kuti mambo weAsiria apinduke mwoyo, uve kwavari avabatsire basa remba yaMwari, Mwari weIsiraeri.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezira 6: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: