Ezira 9
9
Zvokuroorerana nevechirudzi zvinosvika munzeve dzaEzira
1Mushure mokunge izvi zvaitwa, vakuru vakuru vakauya kwandiri vakati, “Vanhu vechiIsiraeri navapristi nevaRevhi havana kuzvitsaura kune vechirudzi vedzinyika idzi nokune zvakaipa zvadzo zvisingadiwe naMwari kune vechiKanani nevaHiti nevaPerizi nevaJebhusi nevaAmoni nevaMoabhu nevechiIjipiti nevaAmori 2nokuti vakatora zvavo vakadzi pane vamwe vevanasikana vavo vavanhu ava vakatoroorerawo vanakomana vavo, zvokuti rudzi rutsvene urwu rwangova mvenge-mvenge nevechirudzi. Panyaya yokurega kuva pachokwadi iyika, makurukota acho nevakuru vakuru vacho chaivo ndovakanga vava nhungamiri.” 3Pandakazvinzwa ndakabvarura neshungu hembe yangu negemenzi rangu ndikazvigera ndebvu nevhudzi rangu mumusoro ndikati pasi go ndadumbirwa nazvo. 4Zvino vose vaye vaidedera shoko raMwari weIsiraeri pamusana pokurega kuva pachokwadi kwevokudzoka vaye vakanga vatapwa vakatamisirwa kusi kwavo vakaunganidzana pandiri ini ndigere ndadumbirwa nazvo kudaro kusvikira panguva yechibayiro chemanheru. 5Panguva yechibayiro chemanheru ndakasimuka kubva pandaitsanya nehanzu dzangu nejasi rangu zvakabvaruka. Ndakapfugama ndikasumudza maoko angu kuna Tenzi, Mwari wangu 6ndichiti,
“Mwari wangu ndinonyara,
zvabva zvandishayisa
pokuda kuti ndisumudzewo
uso kutarisa kwamuri Mwari wangu
pamusana pokuti uipi hwedu hwareba
pamusoro zvokutotipfuurira.
Mhosva dzedu dzavirikidzana
kusvika kudenga chaiko iko.
7Kubvira mumazuva
amadzibaba edu, kusvikira pari
nhasi tanga tichingova mumhosva huru.
Zvino pamusana pouipi hwedu ihwohwo,
isu nemadzimambo edu navapristi
vedu takaiswa mumaoko amadzimambo
edzinyika idzi kumapakatwa nokuutapwa
nomukupambwa nomukunyadziswa
chaiko sezvazviri nhasi uno.
8Asi zvino tanga tambonzi itirwei
mwoyo wakanaka kwechinguva
nemi Tenzi, Mwari wedu mukatisiyirawo
chitsama chevanhu vakasara nokutipawo
hoko yepokugara
pakachengeteka munzvimbo yenyu
inoera kuitira kuti imi Mwari wedu
mutivhenekere meso edu
nokutimutsirudza muutapwa hwedu
9nokuti tanga tiri varanda asi Mwari
wedu hamuna kutisiya tiri varanda kudaro.
Asi makaratidza mwoyochena wenyu kwatiri
pamberi pemadzimambo
ePezhiya mukatimutsurudza
mwoyo kuti timise imba yaMwari wedu
nokuvakiridza matongo
ayo mukaita sorusvingo
kwatiri muJudhea nomuJerusaremu.
10“Ko zvino nhai Mwari wedu tingange
tichati kudii pakadai apa nokuti
takafuratiraka isu mitemo yenyu
11yamakareva nomuromo wevaranda venyu
vaporofita muchiti,
‘Nyika yamava kupinda kundoita yenyu iyi,
inyika yakan'oreswa nouipi
hwevanhu venyika idzodzo nezviito
zvavo zvakaipa zvisingadiwe naMwari
zvakazara kunze nokunze nokun'ora kwavo.
12Naizvozvo musaroodze vanasinaka venyu kuvanakomana
vavo kana kuroorera
vanakomana venyu vanasikana vavo.
Musambofa makatsvaka
zvenyu kuwirirana navo
kana kuvabatsira kubudirira
kuitira kuti musimbe mudyewo zvakanaka
zvomunyika iyoyo muchizoisiyirawo
vana venyu senhaka narini wose.’
13Mushure meizvozvi
zvose zvakadai kutiwira
pamusana pezviito zvedu zvakaipa uye
nemhosva yedu huru tichionawo kuti imi
Mwari wedu hamuna
kutiranga sezvataikodzera
uye makatotipawo zvenyu chitsama
chavanhu vakasara sechichi;
14ndipo here patingatyore zvakare mitemo
yenyu tichiroorerana nevanhu
vanoita zvakaipa zvisingadiwe nemi Mwari?
Hazvingakushatirisei here mukatosvika
pakutiparadza zvokutozosara
pasisina chitsama chevanhu vanosara
kana kuwana anopunyuka?
15Imi Tenzi, Mwari weIsiraeri,
imi makarurama nokuti takatosiyirwawo
chitsama chevanhu vakasara
chakatopunyuka sezvazviri nhasi.
Hezvika takadai kuva pamuri
kunyange pasina angagone kumira pamuri tiine mhosva
pamusana paizvozvi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Ezira 9: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: