Ezira Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku raEzira ndiro bhuku rinotevedzana nebhuku reNhoroondo. Rinotaura nezvokudzoka kwakaita vaIsiraeri vachibva kunyika youtapwa vachienda kuJerusaremu, kunyika kwavo. Vamwe vavo vakadzoka vachibva kuBhabhironia pavakataurirwa naSairasi muPezhiya kuti vadzokere. Temberi yakabva yavakwazve ikakumikidzwa kuna Mwari. Chimwe chikwata chakazodzokera chichitungamirirwa naEzira.
Bhuku raEzira rakanga riri rimwechete neraNehemiya. Mabhuku aya maviri akanga aine zita rimwechete rokuti Ezira. Bhuku irori raEzira neraNehemiya akambopiwa mazita okuti 1 Ezira na 2 Ezira. Aripozve mabhuku anonzi 3 Ezira na 4 Ezira asina kunyorwa muBhaibhiri rino.
Bhuku raEzira rinodzidzisa kuti chitendero nokunamata zvakadzorerwa pakare pazvaiva zviri vanhu vasati vaendeswa kuutapwa.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raEzira
Chikwata chokutanga kudzoka kuutapwa (1:1—2:70)
Kuvakwa nokukumikidzwa kweTemberi (3:1—6:22)
Chikwata chechipiri chakadzoka chichibva kuutapwa pamwe naEzira (7:1—10:44)
Zvasarudzwa nguva ino
Ezira Zviri mubhuku rino: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: