Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 26

26
Kugara kwaIsaki kuGerari
1Zvino munyika imomo makaita nzara isati iri nzara iya yakamboitika pamazuva aAbhurahamu. Isaki akaenda kuGerari, kuna Abhimereki mambo wavaFirisitia. 2Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Usadzike kuIjipiti, asi gara munyika yandichakuudza. 3Chimbogara zvako munyika ino. Ini ndichava newe. Ndichakukomborera. Ndichakupa nyika idzi dzose iwe navana vako. Ndichaita zviya zvandakapika kuna Abhurahamu, baba vako. 4Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga. Ndichavapa nyika idzi dzose. Vana vako vachawanisawo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano makomborero, 5nokuti Abhurahamu aiteerera zvandaireva, aiita zvose zvandaimutemera kuita achitevedza zvirongwa zvangu, achichengetawo mirao yangu nokuteerera mitemo yangu.”
6Saizvozvo Isaki akagara kuGerari. 7Vanhu venyika iyoyo vakamubvunza nezvomukadzi wake, iye akati, “Ihanzvadzi yangu.” Izvozvo aitya kutaura kuti mudzimai wangu achiti zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraye pamusana paRibheka nokuti akanga aine chimiro chakanaka kwazvo. 8Kuzoti Isaki agarapo nguva ndefu, Abhimereki mambo wavaFirisitia akatarisa napahwindo akaona Isaki achibata-bata Ribheka mudzimai wake. 9Ipapo Abhimereki akadaidza Isaki akati, “Ko zvaari mukadzi wako wani! Wakagotaurirei kuti, ‘Ihanzvadzi yangu.’ ”
Isaki ndokuti, “Ndaiti zvimwe ndingaurayiwe pamusana pake.”
10Abhimereki akati, “Zvino, ndochii ichochi chawakatiitira ipapa? Mumwe munhu aigona kunge akatadza nomudzimai wako iwe wotiparisa mhosva.” 11Naizvozvo Abhimereki akayambira vanhu vake vose achiti, “Kuwana ane chakaipa chaanoita kune murume uyu, kana mudzimai wake anofanira kuurayiwa.”
12Isaki akarima mbesa munyika iyoyo, gore iroro akakohwa mbesa dzakawanda kwazvo, Tenzi akamukomborera 13akava mupfumi. Akaramba achibudirira kudzamara ava noupfumi hwakawanda. 14Akanga ano upfumi hwemombe nezvimwe zvipfuwo navaranda vazhinji zvokuti vaFirisitia vakamuitira shanje. 15VaFirisitia vakafushira vakazadza namavhu matsime ose akanga acherwa navaranda vababa wavo Abhurahamu, akacherwa Abhurahamu achiri mupenyu.
16Abhimereki akataurira Isaki kuti, “Chibvai zvenyu medu muno nokuti mava nesimba kupinda isu.” 17Naizvozvo Isaki akatamapo akandodzika matendhe ake mubani reGerari, akamboita musha wake ipapo. 18Isaki akafukunura matsime emvura akanga acherwa pamazuva ababa wake Abhurahamu, nokuti Abhurahamu paakafa vaFirisitia vakabva vaafushira. Akaatumidzazve mazita aakanga akatumidzwa nababa wake.
19Varanda vaIsaki vakati vachichera mubani umu, vakawanawo tsime remvura yechitubu. 20Vafudzi vomuGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaki vachiti, “Mvura iyi ndeyedu.” Saka Isaki akatumidza tsime irori zita rokuti, “Nharo,” nokuti vakanga vaitirana nharo navo.
21Varanda vaIsaki vakacherazve rimwe tsime. Vakaitirana nharo zvakare navafudzi vomuGerari pamusoro paro, Isaki akaritumidza zita rokuti, “Ruvengo.” 22Isaki akazobvapo akandocherazve rimwe tsime. Ipapo havana kuzomboitirana nharo. Akabva aritumidza zita rokuti, “Ziendanakuenda,” vachiti, “Zvino Tenzi atipa nzvimbo huru kuti tigova vazhinji munyika ino.”
23Zvino Isaki akabvapo akatamira kuBheerishebha. 24Tenzi akazviratidza kwaari usiku ihwohwo akati, “Ndini Mwari waAbhurahamu baba vako. Usatye zvako nokuti ndinewe. Ndichakukomborera ndichiita kuti vana vako vawande kwazvo pamusana paAbhurahamu muranda wangu.” 25Isaki akavaka atari ipapo akanamata Tenzi ndokubva adzika tendhe yake ipapo. Varanda vake vakacherapo tsime.
Chitenderano chaIsaki naAbhimereki
26Ipapo Abhimereki nejinda rake Ahuzati naPikori mukuru wehondo yake vakabva Gerari vakaenda kuna Isaki. 27Isaki akavati, “Mavingeiko kuno? Handiti munondivenga imi. Inga makandidzinga wani kwenyu!”
28Ivo ndokuti, “Tanyatsoona kuti Tenzi anewe. Saka tanga tafunga kuti dai paitwa chibvumirano pakati pedu newe, tiite chitenderano 29chokuti ugorega kutiitira zvakaipa. Sezvatakaita isu, hatina chatakakutadzira asi takakuitira zvakanaka tikazotiwo uende zvako zvakanaka. Nhasi iwe wava nechikomborero chaTenzi.” 30Isaki akavaitira mabiko vakadya vakanwa. 31Vakafumomuka vakaita chibvumirano. Isaki akavaperekedza ndokuenda zvavo norugare.
32Nomusi iwoyo varanda vaIsaki vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera. Vakati, “Tabata mvura.” 33Isaki akatumidza tsime iri zita rokuti, “Mhiko.” Naizvozvo zita reguta iroro rinonzi Bheerishebha kusvikira pari nhasi.
Esau anoroora vakadzi vedzimwe ndudzi
34Esau paakanga ava namakore makumi mana, akaroora vakadzi vechiHiti kwaiti Judhisi mwana waBheeri naBhasimati mwana waEroni. 35Vakadzi vacho vaifurusa Isaki naRibheka.

Zvasarudzwa nguva ino

Mavambo 26: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda