Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 39

39
Josefi nomukadzi waPotifari
1Vanhu vechiIshimaeri vaye vakaenda naJosefi kuIjipiti. Akatengwa nomuIjipiti ainzi Potifari kuvaIshimaeri vainge vadzika ikoko. Potifari aiva jinda raFarao ari mukuru mukuru wavachengeti vokwamambo. 2Tenzi aiva naJosefi. Naizvozvo akabudirira kwazvo agere mumba matenzi wake wechiIjipiti. 3Potifari akaona kuti Tenzi akanga aina Josefi. Akaonawo kuti Tenzi ndiye aibatsira Josefi pazvinhu zvose zvaaiita, kuti zvibudirire. 4Potifari akafadzwa naJosefi. Akamuita mutariri wezvemba yake zvose, akaturirawo mumaoko ake zvose zvaaiva nazvo. 5Kubva panguva iyoyo yaakamuita mutariri wezvemba yake zvose, nezvose zvaaiva nazvo, Tenzi akakomborera mhuri yaPotifari pamusana paJosefi. Tenzi akakomborerawo upfumi hwake hwose hwaiva mumusha nehwaiva muminda. 6Naizvozvo akaisa zvinhu zvake zvose mumaoko aJosefi. Nokudaro Potifari zvaaiva naye kudai akanga asisazvinetse nokufunga chokuita kusara kwezvokudya zvake chete.
Josefi akanga ane chimiro chakanaka, aine chiso chakarurama. 7Gare gare mudzimai waPotifari akachiva Josefi, akamukumbira kuti aite chakaipa naye. 8Asi Josefi akaramba akati kumudzimai watenzi wake, “Tarisai muone, tenzi wangu aineni kudai, hapana chinhu chaanombozvinetsa nacho mumba, uye vakaisa zvinhu zvose zvavanazvo mumaoko angu. 9Hakuna munhu ane simba kudarika ini pamba pano. Tenzi wangu akandipa masimba pamusoro pezvinhu zvose, kunze kwenyu imi moga nokuti muri mudzimai wake. Zvino ndingagoita sei chinhu chakaipa kudaro ndichitadzira Mwari?” 10Kunyange zvake mudzimai uyu akanyengetedza Josefi zuva nezuva, Josefi akaramba kumuteerera akaramba kuita chakaipa naye kana kutandara naye. 11Mumwe musi Josefi akapinda mumba achindoita basa rake, vamwe varanda vakanga vasimo. 12Pakarepo mudzimai uyu akamuti ndu-u hanzu yake achiti, “Rara neni.” Ipapo Josefi akapukunyura akabva asiya hanzu yake muruoko rwomudzimai uyu ndokutizira panze. 13Mudzimai uyu paakaona kuti Josefi apukunyura akasiya hanzu yake muruoko rwake achitizira panze, 14akadaidza varanda vepamba pake vechirume akavati, “Mazvionaka! MuHebheru uyu watakaunzirwa ava kutivirimira. Auya achida kurara neni, ndikabva ndaridza mhere. 15Zvaanzwa mhere yandaridza asiya hanzu yake akabva atizira panze.”
16Mudzimai uyu akachengeta hanzu yaJosefi kusvikira tenzi wake vadzokera kumba. 17Akamutaurira kuti, “Muranda uyu wechiHebheru wamakatiunzira pano, auya kuzondivirimira. 18Asi pandaridza mhere abva asiya hanzu yake akatizira panze.”
19Tenzi wake akatsamwa zvikuru paakanzwa zvakataurwa achiti, “Ndizvo zvandakaitirwa nomuranda wenyuka izvi.” 20Akabva aisa Josefi mujeri maisipfigirwa vasungwa vamambo. Nokudaro Josefi akapfigirwa mujeri akagaramo. 21Asi Tenzi aiva naJosefi, akaramba achimuitira mwoyochena, akaita kuti mutariri wejeri amuitire mwoyo wakanaka. 22Mutariri wejeri akaisa vasungwa vose vakanga vari mujeri mumaoko aJosefi. Zvose zvaiitwa mujeri zvaitariswawo naJosefi. 23Mutariri wejeri haaimbozvinetsa nezvinhu zvaitariswa naJosefi nokuti Tenzi aiva naJosefi achimubatsira kuti zvose zvaaiita zvibudirire.

Zvasarudzwa nguva ino

Mavambo 39: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda