Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 12

12
Muenzaniso waJesu Kristu
1Naizvozvo zvatakakomberedzwa negore rezvapupu zvakawanda kudai, ngatichikandai pasi mitoro yose nezvitadzo zvinoramba zvakati nesu namata, timhanye nhangemutange yatakatarirwa 2takatarisa kuna Jesu muvambi akaita kuti chitendero chedu chive chakakwana. Iye, pamusana pemufaro waakanga anzi achawana, akatirira muchinjikwa achiona kunyadziswa sechinhu pasina, iye zvino agere kurudyi rwechigaro choumambo chaMwari.
3Fungai nezvake, iye akatirira ruvengo rwakadai rwaakaitirwa navatadzi kuti imi murege kuneta kana kurasa mwoyo. 4Mukurwisana kwenyu nechitadzo hamusati marwisa kusvika pakurasikirwa neropa. 5Ko munokanganwa here kukurudzirwa kuya; mukukurudzirwa mamunonzi vana? Mwanangu kana Mwari achikudzora rega kuzviona
sechinhu chisina maturo
kana kurasa mwoyo
kana warangwa naye.
6Chikonzero chacho ndechokuti
Tenzi anodzora uyo waanoda
uye anoranga mwana wese waanotora somwana.
7Tirirai zvinokutambudzai nokuti kana muchirangwa, Mwari anenge achikubatai savana. Nokuti ndibaba vapi vasingarangi mwana wavo. 8Kana musingarangwi sokurangwa kunoitwa vamwe vose, muri voufambi hamusi vana chaivo. 9Chimwewo ndechokuti tina vanababa vapasi pano vaitiranga asi isu taingovaremekedza. Ko isu hatingatozviisa zvakatonyanya here pasi paBaba vezvemweya kuti tirarame. 10Nokuti vakatiranga kwechinguvana samaonero avo asi vanotiranga kuti tigoverane utsvene hwavo. 11Panguva iyoyo kurangwa kwose kunorwadza panze pokufadza asi pashure kunoberekera vadzidziswa nako muchero worugare wokururama.
Yambiro nechidzidziso
12Naizvozvo chisimudzai maoko enyu akarengwendeka,#12:12 Akarengwendeka: Samonero avo kana kuti samadiro avo. mugwinyise mabvi enyu asina simba. 13Ruramisai nzira dzenyu kuti vakaremara varege kusvodogoka asi kuti varapwe. 14Vavarirai kuva norugare navanhu vose uye kuva noutsvene hwokuti kana munhu asinahwo haakwanisi kuona Tenzi. 15Chenjerai kuti pasava nomunhu anotadza kuwana nyasha dzaMwari kuti parege kuva nomudzi unovava ungakure ukakonzera nhamo uchikonzera vazhinji kun'oreswa; 16kuti pasave naani zvake anoita zvounzenza kana asina hanya nokunamata Mwari sezvakaita Esau akatengesa utangwe hwake nokuda kwechokudya, chokudya kamwechete. 17Sezvamunoziva kuti mushure, paakanga oda kuwana nhaka yamakomborero, akarambwa nokuti akashaya nguva yokusandura mwoyo nyangwe akaitsvaka nemisodzi padama.
18Hamuna kuswedera pane chisingabatwe, kana kumoto unon'anduma kana kurima dema rakati kwirindindi kana kudutu remhepo, 19nokurira kwebhosvo namaungira amazwi akaita kuti vaizvinzwa vakumbire kuti pasataurwezve kwavari 20nokuti vakanga vasingakwanisi kuchengeta zvakanga zvarayirwa zvaiti, “Kunyange mhuka ikangogunzva gomo inofanira kutemwa namabwe.” 21Zvakaonekwa zvaityisa zvokuti Mosesi akazoti, “Ndinodedera nokutya.” 22Asi imi makaswedera kugomo reZioni nokuguta raMwari mupenyu, kuJerusaremu rokudenga, nokuvatumwa vasingaverengeki vari pagungano rokufara 23uye kuungano yamatangwe akanyorwa kudenga nokumutongi ari Mwari wavose nokumweya yakanaka yakaruramiswa 24uye nokuna Jesu mukumbanidzi pachitendero chitsva nokuropa rakasaswa rinoreva zvinhu zviri nane kupinda raAbheri. 25Onai kuti musarambe kuteerera iye ari kutaura. Kana avo vakanyeverwa nomunhu wapasi pano vasina kupunyuka pavakaramba kuteerera iye aivayambira ko kutozoti isu tichapunyuka sei kana tikaramba kunyeverwa kunobva kudenga. 26Izwi rake rakazungunutsa pasi. Asi iye akatsidza kuti haachazozungunutsa zvake nyika chete asi nedengawo. 27Izwi iri rokuti, “Zvakare” raratidza kubviswa kwezvinozungunutswa kuti zvisingazungunutswi zvirambe zviripo. 28Saka ngatitendei kugamuchira kwatakaita umambo husingazunguniki. Nokudaro ngatipirei kuna Mwari kunamata kunogamuchirika kuno rukudzo nokutya 29nokuti Mwari wedu moto unoparadza.

Zvasarudzwa nguva ino

VaHebheru 12: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda