Isaya 25
25
Rwiyo rwokurumbidza
1Imi Tenzi, ndimi Mwari wangu,
ndinokukudzai ndichirumbidza zita renyu,
nokuti makaita zvinhu zvinoshamisa
zvamakaronga kare kare
zvino kutendeseka kwechokwadi;
2nokuti makaita kuti guta rive murwi
guta retsvingo rive dongo
muzinda wavanozvikudza#25:2 Vamwe vanoti nhare dzokuzvidzivirira muhondo dzemabvakure.
hauchisiri guta
hauchazombovakwa.
3Naizvozvo vanhu vane simba
vachakurumbidzai,
maguta avanhu voutsinye
achakutyai
4nokuti ndimi diziro ravarombo,
botero ravanhu vasina chavanacho,
dumba rokuhwanda dutu
nomumvuri wokuhwanda zuva
nokuti kufemuruka kwemunhu ane utsinye
kunenge dutu riri kurovera kurusvingo
5sokupisa kwenzvimbo yakaoma.
Munonyaradza ruzha rwemabvakure
sokutonhodza kunoita gute kupisa
saizvozvo ndokunyaradzwa kunoitwa
nziyo dzemunhu ane utsinye.
Mwari anogadzirira vanhu vose mabiko paGomo reZioni
6Pagomo irori, Tenzi wehondo nehondo achaitira ndudzi dzose dzavanhu mabiko ezvakakora, mabiko ewaini isina kana kasese, mabiko ezvakakora zvizere mwongo ewaini yamasese akanyatsosvinwa. 7Achaparadza pagomo irori chakaputira marudzi ose, dandadzi rakaputira ndudzi dzose dzavanhu. 8Achatsakatisa rufu nokusingaperi, uye Tenzi, Tenzi achapukuta vose musodzi pamatama, uyewo achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake pasi pose, nokuti Tenzi ndiye azvireva.
9Pazuva iroro vanhu vachati, “Hauwoneka, uyu ndiye Mwari wedu watanga takamirira kuti atinunure. Uyu ndiTenzi, ndiye watanga takamirira, ngatichifarai tichipemberera kutiponesa kwake.”
Kuranga kuchaita Mwari nyika yeMoabhu
10Simba roruoko rwaMwari richava pagomo irori, asi Moabhu achatsokodzerwa munzvimbo make sokutsokodzerwa kunoitwa mashanga mudanga. 11Achatambanudza maoko ake ari mukati maro sokutambanudza kunoita munhu anenge oda kushambira, asi Tenzi achaninipisa kuzvikudza kwake ikoku pamwechete noumhizha hwamaoko ake.
12Nhare ndefu dzokuzvidzivirira muhondo dzamasvingo ake achadzikoromora achidziparadza achidzirigira pasi pavhu chaipo.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 25: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: