Isaya 37
37
Mambo Hezekiya anotsvaka mazano kumuporofita Isaya
(2 Madzi 19:1–7)
1Pazvakasvika munzeve dzamambo, Hezekiya akabvarura hanzu dzake akapfeka masaga, akapinda mumba yaTenzi. 2Akabva atuma Eriyakimu mukuru mukuru womumuzinda wake naShebhuna samunyori mukuru navakuru vakuru vavapristi kumuporofita vakapfeka masaga Isaya mwanakomana waAmozi. 3Vakandomuti, “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi uno izuva rokusuruvara, zuva rokutsiurwa, zuva rokufumurwa, nokuti nguva yokuti vana vachiberekwa yasvika, asi simba rokuvasununguka hapasisina. 4Zvingangoita kuti Tenzi, Mwari wenyu anzwa zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda uya atumwa natenzi wake mambo weAsiria kuzonyomba Mwari mupenyu; iye Tenzi Mwari wenyu angadaro akatsiudza zvaanzwa zvacho. Naizvozvo dai mukanamatirawo chitsama chavanhu chasara.’ ”
5Pakasvika makurukota amambo Hezekiya kuna Isaya, 6Isaya akati kwavari, “Endai mundotaurira tenzi wenyu kuti zvanzi naTenzi, ‘Usatye zvako pamusana pamashoko awanzwa kumakurukota amambo weAsiria okundinyomba. 7Chiripo ndechichi ichi, ndichapinza mweya maari wokuti achangonzwa runyerekupe rwamarehwarehwa agopishinuka kudzokera kunyika kwake kwandichandomupinza murufu rwokuurayiwa nebakatwa munyika make imomo.’ ”
VaAsiria vanotumira vanhu kundotyisidzira kechipiri
(2 Madzi 19:8–19)
8Mutariri mukuru wezvomumuzinda uya akadzokera nokuti akanga anzwa kuti mambo weAsiria abva kuRakishi akatomuwana achirwisana neRibhuna. 9Mambo weAsiria paakanzwa nezvaTirihaka mambo weItiopia akanga ari munzira kuuya kuzomurwisa, akatumazve nhume kuna Hezekiya achiti, 10“Endai mundoti kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvanzi, ‘Usanyengedzwe naTenzi waunovimba naye achiti, Jerusaremu harichaiswa mumaoko mamambo weAsiriya. 11Tarisa uone, iwe wakangozvinzwirawo woga zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose zvokunyatsodziparadza chaizvo. Ko iwe ndopaunganunurwe here? 12Ko vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzibaba angu idzi dzinoti: dzokuGozani nokuHarani neRezevhu navanhu vokuEdheni vaiva kuTeresari, vamwari vadzo vakadzinunura here? 13Ko mambo weHamati aripi zvino? Ko mambo weAripadhi? Ko mambo weguta reSefarivhaimu? Ko mambo weHena namambo weIvha varipi?’ ”
14Hezekiya akagamuchira tsamba iyoyo mumaoko enhumwa dziya akaverenga akaenda nayo kumba yaTenzi ndokundoiti ware ware pana Tenzi. 15Hezekiya akanamata kuna Tenzi achiti,
16“Tenzi, wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, imi mugere
pamusoro pamakerubhu.
Imi moga ndimi Mwari wenyika dzose dzapasi pano pose.
Ndimi makasika denga napasi.
17Rerekai nzeve yenyu Tenzi munzwe.
Zazurai meso enyu Tenzi muone, munzwe
mashoko aSenakeribhu aatumira
kuzonyomba nawo Mwari mupenyu.
18Ichokwadi Tenzi kuti madzimambo eAsiria
akaparadza marudzi ose nenyika dzawo.
19Akapisa vamwari vavo nomoto.
Akadaro, hongu, nokuti vakanga vasiri Mwari
asi kuti zvaingova zvinhu zvakagadzirwa
namaoko avanhu, miti zvayo namatombo.
Ndokusaka akazviparadza.
20Zvino Tenzi, Mwari wedu tinunureiwo
mumaoko make, nyika dzose dzapasi pano
dzizive kuti imi Tenzi ndimi moga Mwari.”
Shoko raIsaya kuna mambo Hezekiya
(2 Madzi 19:20–37)
21Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekiya rokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Pamusana pokuti wanamata kwandiri nezvaSenakeribhu mambo weAsiria.’ ” 22Zvataurwa naTenzi nezvake ndezvizvi:
“Iri kukushora inokuzvidza
mhandara yeZioni.#37:22 Mhandara yeZioni: Nomukunda weJerusaremu zvinoreva vanhu vomuJerusaremu.
Ari kutozunguza zvake musoro shure kwako
mukunda weJerusaremu.
23“Wawanyomba ukatuka ipapa ndiani?
Wauri kuzhambira ipapa ndiani chaizvozvo?
Waunodzvondorera maziso kuzvikudza kudaro ndiani?
Wauri kudaro ndiyeni Mutsvene weIsiraeri
24navaranda vako uchitonyombaka Tenzi iwe.
Uchitoti zvako:
‘Negurusvusvu rangu rengoro dzehondo,
ndakakwira makomo ini kusvika pamusoro,
nadzo ndikasvika kwakaperera Rebhanoni,
miti yeko yakarebesesa yemisidhari ndikairizhanisa,
miti yeko yemisaipurasi yakanakisisa ndikaitema,
ndikaenda ini pamusoro pacho chaipo,
chaimo mumasango ayo matema;
25ndikatocheramo matsime
ndikanwa ini mvura.
Ndakatsika ini netsoka yangu
tukova twose tweIjipiti twukaoma kuti gwa.’
26Zvaive mumwoyo mangu kwenguva ndefu
hazvisati zvakusvika munzeve nhai,
zvandakaronga kare kare pasichigare,
zvandava kutozoita iye nhasi
zvokuti maguta ane tsvingo uaite mirwi yamatongo?
27Vagari vemo vachiti rukutu kupera simba,
vakangaidzwa vazvishaira pazvo
vaita sezvinhu zvinomera musango soruswiswi,
souswa hunomera padenga remba
hunoshauruka kuoma husati hwambokura.
28Mugariro wako ndinouziva
kwaunofamba ndinokuziva
twaunobata ndinotuziva
kunyange kundipunyairira kwako nehasha ndinokuziva
29nokuti uri kundipunyairira nehasha iwe,
kuzvitutumadza kwako kwasvika munzeve dzangu.
Ndichaisa chikochekero changu pamhuno dzako
ndichakuisa matomhu mukanwa
ndikupishunutsire nokwakare
kunzira kwawakauya nako kuno.
30Ichi ndicho chichava chiratidzo chako,
nakauno zvamuchadya zvichamera zvoga,
gore ramakei zvichava zvamahoko,
mugore rechitatu muchadyara mukatokohwa,
muchatosima zvenyu minda yemagirepisi,
mukatodyawo zvenyu michero yayo.
31Chitsama chavanhu vokwaJudha chichasara
chichadzika midzi pasi,
mudenga chichibereka michero
32nokuti chitsama chinosara chichabuda muJerusaremu
chikwata chavanopunyuka rufu chichabuda mugomo reZioni.
Shungu dzina Tenzi wehondo nehondo
ndidzo dzichaita izvozvi.
33Naizvozvo panyaya yamambo
weAsiria uyu zvanzi naTenzi;
‘Haambopinda muguta rino
kana museve, haamborikanda.
Hapana nhoo yaanomborivheyesera,
kana kuriumbira nevhu kurusvingo
chimusana chenzou kuita pokupindamo napo.
34Nzira yaakauya nayo yacho
ndiyo yaachadzokera nayo.
Kupinda muguta rino haambomupinda
ndiTenzi anodaro kutaura.
35Ndichadzivirira guta rino ndigoriponesa.
Izvozvo ndichiitira iyeni pachangu
uye pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.’ ”
36Mutumwa waTenzi akaenda akauraya vanhu zana rezviuru rine zviuru makumi masere nezvishanu. Pakafumomuka vanhu mangwanani, onei ivava vose zvangova zvitunha. 37Senakeribhu mambo weAsiria ndokusimuka oenda kumusha akandogara muNinevhe. 38Zvino akati achinamata ari mumba maNisiroki mwari wake, vanakomana vake, Adhiramereki naSharezeru vakamuuraya nebakatwa vakatizira kunyika yeArarati. Mwanakomana wake Esarihadhoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 37: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: